bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Samuel 28
1 Samuel 28
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
1
Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.”
2
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita.” Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi.”
3
Samueri zvino wakanga afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
4
Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
5
Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, mwoyo wake ukadedera kwazvo.
6
Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana neUrimi, kana navaporofita.
7
Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye.” Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.”
8
Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, “Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.”
9
Mukadzi akati kwaari, “Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?”
10
Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, “NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.”
11
Zvino mukadzi akati, “Ndokukwidzira aniko?” Akati, “Ndikwidzire Samueri.”
12
Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nezwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, “Mandinyengerereiko? Nokuti ndimi Sauro?”
13
Mambo akati kwaari, “Usatya hako, asi unowoneiko?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.”
14
Akati kwaari, “Wakadiniko?” Akati, “Kunomutana unokwira, akafuka nguo.” Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
15
Samueri akati kuna Sauro, “Wanditambudzireiko uchindikwidza?” Sauro akapindura akati, “Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.”
16
Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
17
Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
18
Nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
19
Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
20
Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
21
Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera izwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
22
Naizvozvo zvino, chiteereraiwo izwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.”
23
Asi iye wakaramba, akati, “Handidi hangu kudya.” Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera mazwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhoo.
24
Zvino mukadzi wakanga ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
25
akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31