bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 13
Acts 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
1
Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro.
2
Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.”
3
Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa.
4
Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo, vakenda Saipurasi nechikepe.
5
Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vana Johaniwo, aiva mubatsiri wavo.
6
Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu.
7
Aigara pamubati wenyika, ainzi Segio Pauro, munhu akachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari.
8
Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.
9
Asi Sauro (ndiye Paurowo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati,
10
“Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhori, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
11
Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko.
12
Zvino mubati akati achiona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaIshe.
13
Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu.
14
Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andioki paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi.
15
Zvino murayiro navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.”
16
Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko, akati, “Varume vaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai,
17
Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba,
18
akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana,
19
akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.
20
Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.
21
Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakomana waKisi murume worudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
22
“Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’
23
Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsiraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avapikira;
24
iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka.
25
Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’
26
“Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu.
27
Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
28
“Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
29
Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro.
30
Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa;
31
akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.
32
Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu.
33
Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’
34
Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’
35
“Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’
36
Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora.
37
Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora.
38
Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi.
39
Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi.
40
Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti,
41
‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ”
42
Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera.
43
Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari.
44
NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
45
Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari.
46
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
47
Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ”
48
Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49
Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose.
50
Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo.
51
Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.
52
Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28