bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 22
Acts 22
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
“Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.”
2
Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati,
3
“Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurayiro wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;
4
ndikatambudza veNzira iyi kusvikira pakuuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo,
5
mupristi mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe.
6
“Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga.
7
Ndikawira pasi, ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’
8
“Ndikapindura, ndikati, ‘Ndimi aniko Ishe?’ Akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.’
9
Zvino vaiva neni vakaona chiedza, asi havana kunzwa izwi rowakataura neni.
10
“Ndikati, ‘Ndodiniko, Ishe?’ Ishe akati kwandiri, ‘Simuka, uende Dhamasiko, apo uchaudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.’
11
Zvino zvandakanga ndisingagoni kuona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruoko navaiva neni, ndikasvika Dhamasiko.
12
“Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, munhu ainamata Mwari sezvinoreva murayiro, aipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo,
13
akauya kwandiri, akamira, akati kwandiri, ‘Sauro, hama, chiona!’ Nenguva iyo ndikamuona.
14
Iye akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akakutsanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make.
15
Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nezvawakanzwa.
16
Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita rake.’
17
“Zvino ndakati ndadzokera Jerusaremu, ndichinyengetera mutemberi, ndikaita sokubatwa mweya,
18
ndikamuona, achiti kwandiri, ‘Kurumidza, ubve Jerusaremu zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.’
19
Ipapo ndikati, ‘Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;
20
uye, musi wakadururwa ropa raSitefano, chapupu chenyu, neniwo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, ndikachengeta nguo dzavaimuuraya.’
21
“Ipapo akati kwandiri, ‘Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.’ ”
22
Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti, “Akadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.”
23
Vakadanidzira, vakakandira nguo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga,
24
mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai.
25
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?”
26
Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumukuru wechiuru chamazana, akamuudza akati, “Munoda kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma.”
27
Mukuru wechiuru chamazana akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Akati, “Hongu.”
28
Mukuru wechiuru chamazana akati, “Ini ndakatenga simba iri rokuva muRoma nomutengo mukuru.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”
29
Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomukuru wechiuru chamazana akatyawo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti akanga amusunga.
30
Zvino fumwe mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akarayira kuti vapristi vakuru namakurukota ose vaungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28