bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 18
Acts 18
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Shure kwaizvozvo, Pauro akabva Ateni, akasvika Korinde;
2
akawana mumwe muJudha, ainzi Akwira, worudzi rwavePonto, achangobva Itariya, naPirisira mukadzi wake; (nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
3
zvino zvaakanga ane basa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.
4
Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5
Zvino Sirasi naTimoti vakati vachizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
6
Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazunza nguo dzake, akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.”
7
Akabvapo, akapinda mumba momumwe, ainzi Tito Jusuto, ainamata Mwari, imba yake yaiva pedyo nesinagoge.
8
NaKirisipo, mukuru wesinagoge, akatenda kuna Ishe naveimba yake yose; navazhinji veKorinde vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.
9
Zvino Ishe akati kuna Pauro usiku nechiratidzo, “Usatya hako, asi taura, usanyarara;
10
nokuti ini ndinewe; hapana munhu angakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”
11
Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12
Zvino Gario akati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakauya naye pachigaro chokutonga,
13
vachiti, “Uyu anogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurayiro.”
14
Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha.
15
Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurayiro wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.”
16
Akavadzinga pachigaro chokutonga.
17
Zvino vose vakabata Sositeni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.
18
Pauro akati agarapo mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, ana Pirisira naAkwira, aveura musoro wake paKenikiria, nokuti akanga apika.
19
Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.
20
Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;
21
asi wakaonekana navo, achiti, “Ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida,” akabva Efeso nechikepe.
22
Akati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Andioki.
23
Akati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratiya neFirigiya achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
24
Zvino mumwe muJudha ainzi Aporo, worudzi rwapaArekizandiria, murume akanga akadzidza zvikuru, akasvika Efeso; akanga ane simba pamagwaro.
25
Uyu akanga adzidziswa nzira yaIshe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohani bedzi.
26
Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.
27
Zvino akati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino akati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
28
Nokuti akakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28