bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 16
Acts 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
Akasvikawo paDhebhe neRisitira. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, ainzi Timoti, mwanakomana womukadzi mutendi, aiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.
2
Iye aipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRisitira neIkonio.
3
Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.
4
Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapostori navakuru vapaJerusaremu, kuti vazvichengete.
5
Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.
6
Vakagura nenyika yeFirigiya neyeGaratiya, vambodziviswa naMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
7
Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisiya, vakaedza kuenda Bhitiniya, asi Mweya waJesu haana kuvatendera.
8
Vakati vapfuura Misiya, vakaburukira Turoasi.
9
Chiratidzo chikaonekwa naPauro usiku; murume weMakedhonia akanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Yambukirai Makedhonia, utibatsire.”
10
Zvino akati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari atidana kuti tindovaparidzira Vhangeri.
11
Naizvozvo takabva Turoasi nechikepe, tikaruramira Samotirake; fume mangwana tikasvika Neapori;
12
tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro.
13
Nezuva reSabata tikabuda kunze kwesuo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vaunganapo.
14
Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.
15
Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.
16
Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasangana nomumwe musikana aiva nomweya wokuuka, aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuuka kwake.
17
Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira, achiti, “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.”
18
Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendeuka, akati kumweya, “Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari.” Ukabuda nenguva iyeyo.
19
Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pavabati,
20
vakaenda navo kuvatongi, vakati, “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,
21
vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.”
22
Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu.
23
Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo.
24
Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
25
Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera.
26
Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
27
Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza.
28
Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.”
29
Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda;
30
akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”
31
Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.”
32
Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.
33
Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.
34
Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari.
35
Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.”
36
Murindi wetorongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti, “Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.”
37
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.”
38
Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;
39
vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, mutorongo ndokuvakumbira kuti vabve muguta ravo.
40
Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidhia; vakaona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28