bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 28
Acts 28
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
2
Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando.
3
Zvino Pauro akati aunganidza svinga routsotso, akahuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruoko rwake.
4
Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.”
5
Asi iye wakazunzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa.
6
Ivo vakati achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakaona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti, “Iye Mwari.”
7
Zvino pedyo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, ainzi Pubhuiryo; iye akatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
8
Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa.
9
Izvo zvakati zvaitwa, navamwewo vechiwi, vairwara, vakauya, vakaporeswa.
10
Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda, vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishayiwa.
11
Mwedzi mitatu yakati yapfuura, tikaenda nechikepe cheArekizandiriya, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti “Dhiokuri.”
12
Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagarapo mazuva matatu.
13
Tikabvapo, tikapota, ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuura, mhepo yaibva zasi ikamuka, tikasvika Puteori nezuva repiri;
14
tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.
15
Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikauya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTabherini Nhatu; Pauro akati adziona idzo, akavonga Mwari, akatsunga mwoyo.
16
Zvino takati tapinda Roma, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi aimurinda.
17
Mazuva matatu akati apfuura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vaungana, akati kwavari, “Varume, hama, ini kunyange ndisina kuita chinhu chakatadzira vanhu, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusaremu ndakasungwa, ndaiswa pamaoko avaRoma;
18
ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasina mhosva yorufu kwandiri.
19
Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu.
20
Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa nengetani iyi nokuda kwetariro yavaIsiraeri.”
21
Vakati kwaari, “Hatina kugamuchira tsamba pamusoro pako, dzaibva Judhea, uye hakuna mumwe wehama akasvika akatiudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
22
Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose-kwose.”
23
Zvino vakati vamutarira zuva, vakauya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurayiro waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
24
Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havana kutenda.
25
Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwechete kwavari rokuti, “Mweya Mutsvene akataura zvakanaka nomuporofita Isaya kuna madzibaba enyu,
26
achiti, ‘Enda kuvanhu ava uti, Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi; Nokuona, muchaona, musingaonesesi.
27
Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongoona nameso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemwoyo yavo, Vatendeuke, Ndivaporese.’ ”
28
Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwawo.
29
[Akati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.]
30
Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
31
achiparidza ushe hwaMwari, achidzidzisa zvaIshe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28