bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 15
Acts 15
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti, “Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.”
2
Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3
Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFonikia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.
4
Zvino vakati vasvika Jerusaremu, vakagamuchirwa nekereke, navapostori, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo.
5
Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murayiro waMosesi.”
6
Ipapo vapostori navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.
7
Zvino, nharo huru dzakati dzavapo, Petirosi akasimuka akati kwavari, “Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari akanditsanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reVhangeri nomuromo wangu, vatende.
8
Zvino Mwari, muzivi womwoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu;
9
haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa mwoyo yavo nokutenda.
10
Naizvozvo zvino, munoedzireiko Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu?
11
Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaIshe Jesu nomutoo mumwe navo.”
12
Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vanaBhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.
13
Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati, “Varume, hama, nditeererei.
14
Simoni akarondedzera matangiro aMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.
15
Naizvozvo mashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
16
‘Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabhenakeri yaDhavhidhi, yakawa; Ndichavakazve matongo ayo, Ndichiimutsa;
17
Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu,
18
Ndizvo zvinotaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose kubva pakutanga kwenyika.’
19
“Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
20
asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, noupombwe, nezvakadzipwa, neropa.
21
Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, aiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirawa mumasinagoge Sabata rimwe nerimwe.”
22
Ipapo vapostori, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andioki pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
23
Vakanyora tsamba, vakaituma navo, yaiti, “Vapostori navakuru pahama, kuhama dzokuvahedheni paAndioki, napaSiria, napaKirikia; mufaro!
24
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kurayira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu,
25
takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti titsanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwechete naBhanabhasi naPauro, vadikanwi vedu;
26
vanhu vakazvidza upenyu hwavo nokuda kwezita raIshe wedu, Jesu Kristu.
27
Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuudzai vamene izvozvi nomuromo.
28
Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira,
29
zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.”
30
Zvino vakati vaendeswa, vakaburukira Andioki; vakaunganidza vanhu vazhinji, vakavapa tsamba.
31
Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.
32
Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.
33
Vakati vagarako nguva, vakaendeswa nehama nomufaro, vakaenda kuna vakanga vavatuma.
34
[Asi Sirasi akati zvakanaka kusarapo.]
35
Pauro naBhanabhasi vakagara Andioki, vachidzidzisa nokuparidza shoko raIshe, navamwe vazhinjiwo.
36
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatidzokezve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.”
37
Zvino Bhanabhasi akanga achida kutora Johaniwo, ainzi Mako;
38
asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa.
39
Ipapo kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipurasi nechikepe;
40
asi Pauro wakatsanangura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaIshe;
41
akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28