bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 25
Acts 25
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
1
Zvino Fesito akati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuura, akakwira Jerusaremu, achibva Kesaria,
2
vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari vakamunyengetera,
3
vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusaremu, kuti vamuvandire vamuuraye panzira.
4
Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako.
5
Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.”
6
Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro.
7
Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.
8
Zvino Pauro akazvidavirira, akati, “Handina kutadzira murayiro wavaJudha, kana temberi, kana Kesari.”
9
Zvino Fesito achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati, “Unoda here kukwira Jerusaremu, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?”
10
Ipapo Pauro akati, “Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka.
11
Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”
12
Ipapo Fesito akataurirana namakurukota, akapindura, akati, “Wazviisa kuna Kesari; kuna Kesari uchaenda.”
13
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agiripa naBherinike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Fesito.
14
Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa;
15
ndichiri paJerusaremu, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.
16
Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo.
17
Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo.
18
Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;
19
asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, noomumwe Jesu akanga afa, ainzi naPauro mupenyu.
20
“Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
21
Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.”
22
Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene.” Iye akati, “Mangwana muchamunzwa.”
23
Fume mangwana Agiripa akati asvika naBherinike, vashonga kwazvo, vapinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechiuru chamazana, navakuru veguta, vakauya naPauro varayirwa naFesito.
24
Zvino Fesito akati, “Mambo Agiripa, nemi varume vose vaneni, munoona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusaremu napano, vakadanidzira, vachiti, ‘Haafaniri kuva mupenyu.’
25
Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye zvaakakumbira kuiswa kuna mambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.
26
Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
27
Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswiwo.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28