bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 9
Acts 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru,
2
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa.
3
Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,
4
akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”
5
Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.”
6
Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
7
Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu.
8
Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko.
9
Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu.
10
Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!”
11
Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera;
12
naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.”
13
Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji;
14
napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.”
15
Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri;
16
nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.”
17
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.”
18
Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa;
19
akadya zvokudya, ndokusimbiswa. Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva.
20
Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
21
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”
22
Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
23
Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye.
24
Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye.
25
Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
26
Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi.
27
Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi.
28
Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo,
29
akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya.
30
Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso.
31
Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene.
32
Zvino Petirosi akati achipota nyika kwose, akaburukirawo kuvatsvene vakanga vagere Ridha.
33
Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa.
34
Petirosi akati kwaari, “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwarire nhoo dzako!” Akasimuka pakarepo.
35
Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
36
Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo.
37
Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro.
38
Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.”
39
Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo.
40
Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara.
41
Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.
42
Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe.
43
Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kuno mumwe Simoni, musuki wamatehwe.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28