bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 17
Acts 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Zvino vakati vagura neAmifipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.
2
Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro maSabata matatu,
3
achivazarurira nokuvazivisa, kuti, “Kristu aifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.”
4
Vamwe vavo vakatendera, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.
5
Asi vaJudha vaiva negodo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.
6
Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo,
7
Jasoni akavagamuchira; mumba make ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uripiko, anonzi Jesu.”
8
Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.
9
Zvino, vakati vatora rubatso kuna Jasoni navamwe, vakavarega.
10
Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.
11
Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
12
Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.
13
Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikawo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.
14
Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasarapo.
15
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.
16
Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo.
17
Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo.
18
Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.”
19
Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati, “Ngatinzwewo kuti kudzidzisa uku kutsva, kunotaurwa newe, ndokweiko?
20
Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?”
21
(Zvino vaAteni vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwechete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)
22
Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru.
23
Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanawo aritari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
24
Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutemberi dzakaitwa namaoko.
25
Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose;
26
akaita marudzi ose avanhu, achibva kunomumwechete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo;
27
kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
28
Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti, ‘Nokuti tiri rudzi rwakewo.’
29
“Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu.
30
Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anorayira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendeuke.
31
Nokuti akatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”
32
Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.”
33
Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo.
34
Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwechete navo.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28