bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 19
Acts 19
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,
2
akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.”
3
Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.”
4
Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.”
5
Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6
Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
7
Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.
8
Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari.
9
Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.
10
Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki.
11
NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro,
12
nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.
13
Zvino vamwe vaJudha, vauki, vaipotapota, vakaidza kudana zita ralshe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti, “Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.”
14
Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, ainzi Sikeva, mupristi mukuru, vaiita izvozvo.
15
Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vanaaniko?”
16
Ipapo munhu aiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasina nguo, vakuvadzwa.
17
Izvozvo zvikazikanwa navose, vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita ralshe rikakudzwa.
18
Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya, vakareurura, nokurondedzera zvamabasa avo.
19
Navamwe vazhinji vaiita un'anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu.
20
Naizvozvo shoko ralshe rikakura nesimba, rikakunda.
21
Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.”
22
Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoti naErasito, iye amene akagara Asia nguva duku.
23
Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.
24
Nokuti mumwe, ainzi Dhemetirio, mupfuri wesirivha, waiita zvitemberi zvaDhiyana zvesirivha, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.
25
Akavaunganidza ivo pamwechete navamwe vabati vezvakadaro, akati, “Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana pfuma yedu.
26
Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari.
27
Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.”
28
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!”
29
Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomwoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naArisitakusi, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro.
30
Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.
31
Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.
32
Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
33
Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34
Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!”
35
Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga?
36
Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.
37
Nokuti mauya navarume ava, vasati vari mbavha dzetemberi kana vashori vamwarikadzi wedu.
38
Zvino kana Dhemetirio nedzimwe mhizha naye vane mhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.
39
“Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa paungano yakafanira.
40
Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemheremhere iyi.”
41
Akati ataura izvozvo, akaendesa ungano.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28