bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Acts 4
Acts 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
1
Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari,
2
vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu.
3
Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana.
4
Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
5
Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu;
6
naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru,
7
vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?”
8
Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu,
9
kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo;
10
muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.
11
Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona.
12
Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”
13
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.
14
Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho.
15
Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo,
16
vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu.
17
Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.”
18
Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu.
19
Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari.
20
Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.”
21
Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
22
nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo.
23
Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru.
24
Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo;
25
makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti, ‘Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
26
Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakaungana pamwechete, Kurwa naIshe naKristu wake.’
27
“Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza;
28
kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe.
29
Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu vasingatongotyi,
30
mutambanudze ruoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.”
31
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
32
Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
33
Vapostori vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.
34
Nokuti pakanga pasina aishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauya nomutengo wezvakatengeswa,
35
vakazviisa pamberi pavapostori; mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.
36
NaJosefa, akatumidzwa navapostori achinzi Bhanabhasi, ndokuti, “Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa”, muRevhi, munhu weSaipurasi parudzi rwake,
37
aiva nomunda; akautengesa, akauya nemari, akaiisa pamberi pavapostori.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28