bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 1
Ecclesiastes 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
1
Mashoko omuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo womuJerusaremu.
2
Hazvinzwisisiki hazvinzwisisiki, ndozviri kutaura muparidzi, hazvinzwisisiki, zvinhu hazvinyatsonzwisisika.
3
Nhai imi munhu anofireiko nebasa chaizvo, nokufondoka kwose kwaanoita pasi pezuva?
4
Chimwe chizvarwa chinoenda chimwewo chizvarwa chichiuya asi nyika inoramba iripo chete.
5
Zuvawo rinobuda, zuva rinodoka romhanyazve iwee kunzvimbo kwaro kwarinobuda!
6
Mhepo inoenda kumaodzanyemba yopishinukazve yoenda kuchamhembe, ichingotendererawo, ichingotenderera. Mhepo inoramba ichingoenda nemayamboenda namo imomo.
7
Nzizi dzose dzinoyerera kugungwa asi gungwa harizari. Nzizi kwadzinoyerera dzinoyererazve ikoko.
8
Zvinhu zvose zvinofinha, hapana angagone kuzvitaura. Ziso hariguti kuona kana nzevewo haiguti kunzwa.
9
Zvakamboitika zvichaitikazve. Zvakamboitwa zvichaitwazve. Hapana chitsva pasi pezuva.
10
Panechinhu here chinganzi ona chinhu icho chitsva. Chaivapo kare panguva yakare.
11
Hakuna chete anoyeuka zvinhu zvakare. Hakunawo achazoyeuka panevachauya mushure macho. Uye kuyeuka pachange pasina pakati pane vachauya mushure machowo.
12
Ini Muparidzi ndakatonga Isiraeri ndiri muJerusaremu.
13
Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi.
14
Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako.
15
Chakakombama hachitasanudziki chisipo hachigone kuverengwa.
16
Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.”
17
Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo.
18
Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12