bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 3
Ecclesiastes 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
1
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga.
2
Pane nguva yokuberekwa nenguvawo yokufa. Pane nguva yokusima nenguvawo yokudzipura zvakasimwa.
3
Pane nguva yokuuraya nenguvawo yokuporesa. Pane nguva yokupaza nenguvawo yokuvaka.
4
Pane nguva yokuchema nenguvawo yokuseka. Pane nguva yokuungudza nenguvawo yokupembera.
5
Pane nguva yokukanda mambwe uko nokoko nenguvawo yokuunganidza mabwe. Pane nguva yokumbundirana nenguvawo yokusambundirana.
6
Pane nguva yokutsvaka nenguvawo yokurasa. Pane nguva yokuchengeta nenguvawo yokurasa.
7
Pane nguva yokubvarura nenguvawo yokusona. Pane nguva yokunyarara nenguvawo yokutaura.
8
Pane nguva yokuda nenguvawo yokuvenga. Pane nguva yehondo nenguvawo yorugare.
9
Ko iye munhu anoshanda anowanei chaizvo nokushingaira kwake kwaanoita nebasa?
10
Ndakaona zvangu basa rakapiwa vanhu naMwari kuti vawane chokuita.
11
Akaita kuti zvinhu zvose zvive nenguva yazvo yakafanirana nazvo, uye akaisa muvanhu pfungwa yenguva isina mugumo. Asi munhu asingakwanise kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubvira pakutanga kusvika pamugumo.
12
Chandinoziva ndechokuti hapana chakanaka kuvanhu sokufara zvavo nokufarikana mazuva oupenyu hwavo hwose.
13
Chimwewo ndechokuti chipo chaMwari kumunhu kuti munhu wose adye zvake, anwe uye kuti afadzwe nebasa rake rose raanoita.
14
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvicharamba zviripo nokusingaperi, hapana chingawedzerwe pazviri kana chingabviswe pazviri. Mwari akaita izvozvo kuitira kuti vanhu vamutye.
15
Chiripo, chakanga chiripo kare, chichazovapo, chakanga chiripo kare Mwari achiitawo kuti zvakamboitika zviitikezve.
16
Ndakaonawo pasi pedenga kuti panofanira kuva noruenzaniso ipapo ndipo pano uipi panofanira kuva noururami ipapo ndipo pano uipi.
17
Ndakazviti nechomumwoyo, “Mwari achatonga vakarurama navakaipa nokuti akatemera chinhu chimwe nechimwe nguva yacho uye nguva yebasa roga roga.”
18
Ndakazvifungawo mumwoyo nezvavanhu kuti Mwari anenge achivaedza zvake kuti avaratidze kuti ivo pachavo imhuka.
19
Zvinowira vanhu ndizvowo zvinowira mhuka, munhu anofa, mhukawo inofa. Zvinofema mweya mumwechete. Munhu haana chaanokunda mhuka nacho nokuti zvose hazvinzwisisiki.
20
Zvose zvinoenda kunzvimbo imwecheteyo. Zvose zvinobva muvhu uye zvose zvinodzokerazve kuvhu.
21
Ndiani angazive kuti mweya womunhu unokwira kumusoro here kana kuti mweya wemunhu unodzika pasi muvhu.
22
Ndokusaka ndakaona kuti hapana chakanaka kumunhu panekufadzwa nebasa rake nokuti ndiwo mugove wake. Hapana angagone kuita kuti aone zvichazoitika kwaari.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12