bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 10
Ecclesiastes 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
1
Nhunzi dzakafa dzinogona kunhuwisa mafuta anonhuhwira, saizvozvo utununu hunogona kukanganisa ungwaru nokuremekedzwa.
2
Pfungwa dzomungwaru dzakarerekerera kurudyi pfungwa dzebenzi dzakarerekera kuruboshe.
3
Nyange richifamba munzira benzi harina njere rinotaura kumunhu wose kuti ibenzi.
4
Kana mutongi wako akakuvirukira nehasha, usabve pabasa rako nokuti kuzvibata kwako kunoita kuti mhosva huru iregererwe.
5
Pane chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga kuri kukanganisa kwavatongi.
6
Mapenzi anoiswa pamabasa makuru asi vapfumi vachigara panzvimbo dzapasi
7
ndakaona varanda vari pamabhiza machinda achifamba pasi netsoka savaranda.
8
Munhu anochera hunza achiwira mairi, anoputsa madziro anorumwa nenyoka.
9
Anokwakwanura mabwe anokuvadzwa nawo anotsemurawo huni anogona kukuvadzwa nadzo.
10
Kana demo rakagomara pamusana pokuti harina kurodzwa, kurishandisa unofanira kutoita nesimba rakawanda. Pakadai ungwaru ndihwo hunoita kuti munhu abudirire.
11
Nyoka ikaruma munhu isati yaitwa mapipi pairi, anoita mapipi wacho hapana chaanowana.
12
Mazwi emungwaru anoita kuti adiwe navanhu asi muromo webenzi unoriparadzisa.
13
Anotanga nokutaura zvisina maturo ozopedzisira nokupenga kwakaipa.
14
Benzi rinotaura zvakawanda asi hapana munhu angazive zviri mune ramangwana. Ndiani angazivise munhu zvichazoitika mushure make?
15
Benzi rinoshanda zvokufa zvokuti kunyange nzira yokuguta hariizivi.
16
Inenhamo nyika inamambo achiri jaya zvaro uye inemachinda ayo anodyiririra mangwanani.
17
Yakakomborerwa zvayo nyika inamambo akaberekwa kumbahuru uye inamachinda anodya nenguva kwayo vanodyira kusimba kwete kuraradza.
18
Pamusana penungo denga remba rinowira mukati pamusana pokugara maoko imba inodonha.
19
Chokudya chinoita kuti vanhu vafare waini inoita kuti upenyu hunakidze mari ndiye mupedzanhamo.
20
Usatsoropodze mambo kunyange nechomumwoyo usashurikidze rushambwa vapfumi kunyange mumba mako mokurara nokuti shiri ingadaro ikatakura mazwi ako zvimwe chipembenene chingadaro chikandotaura zvinhu zvacho.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12