bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 11
Ecclesiastes 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
1
Tumira mbeswa dzako mhiri kwamakungwa mushure zvichakudzorera.
2
Isa mari yako kunhu kunomwe kana kusere nokuti hauzivi chinokuwira pasi pano.
3
Kana makore azere mvura anoidururira pasi kana muti ukawira kumaodzanyemba kana kuchamhembe, paunowira ndipo paucharara.
4
Munhu anogara akatarisa mhepo haambodyara uye anodyara akatarisa makore haakohwe.
5
Sokusaziva kwaunoita kuti mweya unouya sei mumapfupa munhumbu memukadzi anepamuviri, saizvozvo hauzivi mabasa aMwari anoita zvose.
6
Kumangwanani dyara mbeu dzako. Kumanheru usagare maoko nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chinoichi kana kuti icho pamwe zvose zviri zviviri zvinoita zvakanaka.
7
Chiedza chakanaka, uye chinhu chakanaka kumaziso kuona zuva.
8
Munhu akagara makore mazhinji, anofanira kufara maari ose asi ayeuke kuti mazuva erima achawanda zvose zvinozouya hazvinzwisisiki.
9
Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku ita zvinoda mwoyo wako uye zvaunofunga asi ziva kuti pana izvozvi zvose Mwari achakutonga.
10
Rega kuzvidya mwoyo bvisa zvose zvinokurwadza muviri nokuti uduku noujaya hazvinzwisisiki.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12