bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 8
Ecclesiastes 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
1
Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka.
2
Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari
3
ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita.
4
Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?”
5
Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa.
6
Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo
7
nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei.
8
Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo.
9
Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.
10
Ndakaonawo vakaipa vachivigwa vakabuda munzvimbo tsvene vachirumbidzwa muguta ravaiita zvakadaro izvozvi izvi hazvinzwisisiki.
11
Pamusana pokuti chirango chezvakaipa zvinenge zvaitwa hachisi kupiwa nokukurumidza, vanhu vanobva varamba mwoyo yavo yavakudisisa kuita zvakaipa.
12
Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita.
13
Muipi hazvimbomufambira zvakanaka. Uye haakwanisi kurebesa upenyu hwake somumvuri nokuti haatyi Mwari.”
14
Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki.
15
Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga.
16
Pandakazvipira mwoyo kuti ndizive ungwaru uye kuti ndione basa riri kuitwa panyika ungatotadza kukotsira nazvo siku nesikati.
17
Ndakaona kuti pamabasa ose aMwari, munhu haangakwanise kuziva basa rinoitwa pasi pedenga. Hazvina mhosva kuti munhu angashingaire sei kuzvitsvaka, haambozviwana. Kunyange mungwaru angati anozviziva haambokwanisa kuzviwana.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12