bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 6
Ecclesiastes 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
1
Panechimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chinoremera vanhu kwazvo.
2
Munhu anopiwa naMwari upfumi nepfuma noukuru zvokuti haana chaanenge achida chaanoshaya asi Mwari orega kumupa simba rokuti afadzwe nazvo asi mutorwa ndiye wofadzwa zvake nazvo. Izvi hazvinzwisisiki uye chinhu chinorwadza.
3
Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye.
4
Kuuya kwake hakunzwisisiki, anopinda murima, zita rake richibva rakwidibirwa nerima.
5
Chimwezve ndechokuti haana kuona zuva, kana kumboziva chinhu asi uyu anowana zororo kupinda iye.
6
Kunyangwe akagara chiuru chamakore chakapetwa kaviri iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka, handiti vanhu vose vanoenda kunzvimbo imwecheteyo?
7
Kushingaira nebasa kunoita munhu, anenge achishandira muromo asi havi yokuda kudya haiperi.
8
Ko munhu ane ungwaru chii chaanokunda nacho benzi uyewo murombo anowanei nokuziva kwake kuzvibata pane vanhu?
9
Chinhu chauri kuona neziso chiri nani pane chauri kusuwira izvozviwo hazvinzwisisiki. Kunongova kudzingirira mhepo.
10
Chinhu chipi nechipi chakambovapo chikatotumidzwa zita munhu anozivikanwa kuti chii uye haakwanisi kukwidzana dare neane simba kupinda iye.
11
Panowanda zvinotaurwa, zvisinganzwisisiki zvinowandawo chazvinobatsira munhu chii?
12
Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri. Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika mushure pasi pedenga.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12