bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 5
Ecclesiastes 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
1
Chenjerera mafambiro ako kana uchienda kuimba yaMwari. Zviri nani kuendako pamusana pokuda kuteerera pano kundopira chibayiro chamapenzi nokuti havazivi kuti vari kuita zvakaipa.
2
Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma.
3
Kurotomoka kunouya kana twunonetsa twawanda. Ndizvozvowo nezvinotaurwa nebenzi kana twarinotaura twawanda.
4
Kana wapika mhiko kuna Mwari rega kunonoka kuita zvawapika zvacho. Haafariri mapenzi. Ita zvawakapika kuita.
5
Zviri nani kusapika mhiko panokupika mhiko uchizorega kuita zvawapika.
6
Rega kuti murumo wako ukutungamirire kutadzira Mwari, uye usati kumutumwa kwaingova zvako kukanganisa. Seiko uchida kuti Mwari ashatirwe nezvaunotaura achizoparadza basa ramaoko ako?
7
Kurotomoka kungawande zvako, zvinotaurwa zvingawande zvazvo asi chako iwe itya Mwari.
8
Kana ukaona mudunhu varombo vachidzvinyirirwa, uye ruenzaniso nokururama zvakandwa pasi ngazvirege kukushamisa nokuti mukuru-mukuru anoongororwa nomukuru kwaari uye kuna vamwe vakuruwo pamusoro pavo.
9
Chinhu chakanaka kwazvo kuti nyika ive namambo asi iri nyika inorimwa.
10
Munhu anoda mari haaguti mari uye anoda upfumi nokubereka kwahwo izvozviwo hazvinzwisisiki.
11
Upfumi hukawanda vanohudya vanowandawo muridzi wahwo chaanowana chii mahuri kusiya kungohuona nameso?
12
Hakusi kunaka ikoko kwakaita hope dzomushandi kunyange adya zvizhinji kana zvishoma, kuwandirwa kwomupfumi nomupfumi kunomushaisa hope.
13
Kune chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chokuti munhu anozviunganidzira upfumi hwozomukuvadza.
14
Upfumi ihwohwo anorasikirwa nahwo mukuita zvakaipa sarei mumaoko asisina chaanacho asi iye ari baba womwana
15
Sokubuda kwaakaita mudumbu maamai vake ndomuendero waachaita ari musvi, sokuuya kwaakaita pasina chaangatakure chebasa rake chaangaende nacho mumaoko.
16
Kunyange ichochi chinhu chakaipisisa; samauiro aakaita ndiwo maendero aachaita. Chaakawana chii zvino zvaakashandira mhepo zvayo kudaro
17
achipedza mazuva ake ose murima nomukutambura mumwoyo nokurwara nokushatirwa.
18
Chandakazoona zvangu kuti chinhu chakanaka uye chinokodzera ndechokuti munhu adye zvake achinwa achifara zvichibva pabasa raanoshingairira kuita pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwake aakapiwa naMwari nokuti iwoyu ndiwo mugovewo wake.
19
Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita.
20
Chikonzero chacho ndechokuti haambonyatsorangarira mazuva oupenyu hwake nokuti Mwari anomuita kuti agare achifara mumwoyo make.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12