bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 4
Ecclesiastes 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
1
Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza.
2
Ndakakungura kuti zvavo vakafa, vakatofa kare vari nani zvavo pane vapenyu, vachino upenyu.
3
Asi ari nani kupinda vose vari vaviri munhu asina zvake kumbovapo asina zvake kumboona zviito zvakaipa zvinoitwa pasi pedenga.
4
Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo.
5
Benzi romunhu rinogara maoko rigopera muviri nokuonda.
6
Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo.
7
Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga.
8
Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri.
9
Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka.
10
Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza.
11
Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei?
12
Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.
13
Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe,
14
angave zvake munhu akabva kujere achienda paumambo kana kunge akaberekwa ari murombo munyika yamambo wake.
15
Ndakaona vose vapenyu vanofamba-famba pasi pedenga uyewo ndakaonawo mumwe wechidiki achitora nzvimbo yamambo
16
achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12