bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 7
Ecclesiastes 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
1
Zita rakanaka riri nani pano mafuta anokosha uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa.
2
Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu pano kuenda kuimba yemafaro. Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose. Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo.
3
Kusuruvara kuri nani pano kuseka mwoyo unofara unogona kuvanzwa muuso hwakasuwa.
4
Mwoyo yavangwaru iri muimba inochemwa rufu asi mwoyo yamapenzi iri muimba yemafaro.
5
Zviri nani kuteerera kutsiura kwomungwaru pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6
Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho, ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi izvozvowo hazvinzwisisiki.
7
Kudzvanyirira mumwe zvakaipa kunoita kuti mungwaru ave benzi. Pfumbamuromo inokanganisa pfungwa dzomunhu.
8
Kupera kwechinhu kuri nani pane kutanga kwacho. Munhu ano mwoyo murefu ari nani pane ane mweya wokuzvikudza.
9
Usakurumidze kushatirwa nokuti mumwoyo yamapenzi ndimo mumusha madzo hasha.
10
Usabvunze kuti, “Ko seiko mazuva akare akanga akanaka kupfuura anhasi uno? Mubvunzo wako haubvi muungwaru.”
11
Sezvakangoita nhaka, ungwaru chinhu chakanaka chinobatsira vachiri kuona zuva.
12
Sokuchengetedza munhu kunoita mari ndizvozvowo zvinoita ungwaru kuchengetedza munhu uye chakanakira ruzivo ndechichi chokuti ungwaru hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
13
Rangarira zvakaitwa naMwari. Ndiani angatwasanudze chaanenge akombamisa?
14
Pamazuva okubudirira, fara, kana zvinhu zvaipa mazuvayo, rangarira kuti Mwari ndiye akaita mazuva okutanga aya namazuva echipiri aya kuitira kuti munhu arege kuziva zvichazoitika.
15
Paupenyu hwangu husina zvahwo maturo ndakaona zvose izvi zvokuti. Munhu wakarurama anofa nyangwe akarurama zvake anofa. Kwouyawo munhu akaipa kunyange akaipa anogara upenyu hurefu muzviito zvake zvakaipa.
16
Usapfurikidze pakururama kwako uye rega kupfurikidza pakungwara unodirei kuzviparadza.
17
Rega kupfurikidza pauipi hwako kana kuva benzi chaunofira nguva yako isati yasvika chii?
18
Rega kubva wati nechimwechete tetere uchikanganwa chimwe chiya nokuti munhu anotya Mwari anobudirira mune zvose zviri zviviri.
19
Ungwaru hunosimbisa mungwaru kupinda gumi ravatongi vari muguta.
20
Hakuna mururami panyika anoita zvakanaka asingatadzire Mwari.
21
Usangoteerera zvose zvose zvinotaurwa navanhu ungadaro ukatonzwa musevenzi wako achikureva.
22
Iwe unoziva mumwoyo mako kuti wakamboreva vamwe kazhinji.
23
Zvose izvi ndakazviedza neungwaru ndakati regai ndingware asi ungwaru hwaiva kure neni.
24
Zvakaitika kare zviri kure uye zvakadzama, zvakadzamisisa. Ndianiwo zvake angazviwane?
25
Ndakazosvika pakuzvibvunzurudza mumwoyo ndikazviedza, ndikatsvagisisa ndichivhima ungwaru neuwandu hwezvinhu uye kuti ndizive kuipa kwoupenzi uyezve kuti upenzi urema chaiho.
26
Ndakaona kuti munhukadzi anorwadza kupinda rufu anongova misungo yoga yoga, mumwoyo wake mimbure chaiyo maoko ake zvikachikiro chaizvo. Munhu akarurama pana Mwari anomupunyuka asi mutadzi anokachikirwa naye.
27
Muparidzi anoti izvi ndizvo zvandawana ndichinyatsofungisisa chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane kuwanda kwazvo.
28
Ndakatsvaka kwenguva ndefu pasina chandakawana. Ndakawana murume mumwechetechete akarurama mukati mechiuru asi pakati pavakadzi vose zvavo hapana wandakawana.
29
Chandakaona chete ndechichi chokuti Mwari akasika munhu akarurama asi vanhu ndivo vakazozvitsvakirawo zvavo twakawanda.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12