bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 12
Ecclesiastes 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
Yeuka musiki wako uchiri muduku, mazuva akaipa asati asvika, mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;”
2
zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi zvisati zvasviba makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura;
3
pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya majaya akasimba okombama, vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima;
4
makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa ruzha rwezvigayo rwavakuderera, munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga panguva yakunenge kuimba kwaderera,
5
kukwira mukwidza kwavakutyisa kufamba chaiko kwavakutyisawo iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi, havi dzose dzapera iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa.
6
Tambo yesirivha isati yadambuka ndiro yendarama isati yapwanyika chirongo chisati chaputsika patsime.
7
Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa.
8
Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki ndozviri kutaura muparidzi zvose hazvinzwisisiki.
9
Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo.
10
Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi.
11
Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete.
12
Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri.
13
Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose.
14
Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12