bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ecclesiastes 2
Ecclesiastes 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 3 →
1
Ndakafunga mumwoyo kuti regai ndimboonawo kuti kuzvifadza kwakaitawosei ndinyatsombosasana zvangu. Ndakaonawo izvozviwo zviri zvisinganzwisisiki.
2
Ndakati kuseka kupenga chaiko uye kuzvifadza hakuna chimuko.
3
Ndakati regai ndimbotsvaka zvokuzvifadza muviri wangu newaini asi mumwoyo mangu ndichitungamirirwa noungwaru kuti ndinyatsonzwisisa kuti chii chinonzi upenzi kuitira kuti ndione kuti ndezvipi zvakanakira vanhu kuti vaite pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwavo.
4
Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi.
5
Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo.
6
Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura.
7
Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo.
8
Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume.
9
Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu.
10
Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose.
11
Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga.
12
Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya yezvoungwaru, noupenzi noutununu nokuti munhu anotsiva mambo chiiwo chaangaite kusiya zvanga zvichiitwa namambo?
13
Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima.
14
Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete.
15
Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.”
16
Nokuti zvakangoita mungwaru ndizvozvowo zvine benzi zvokurangarirwa nokusingaperi hapana. Samaziviro atinoita, mumazuva ari kuuya, vanenge vatokanganwika kare. Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!
17
Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo.
18
Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera.
19
Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki.
20
Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga
21
nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo.
22
Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga?
23
Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki.
24
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari;
25
nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare?
26
Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12