bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 2
Exodus 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 3 →
1
Nguva iyoyo mumwe murume wemba yokwaRevhi akaroora mwana womuRevhi.
2
Mudzimai wake akava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Paakaona kuti mwana wake mwana akanaka kwazvo, akamuhwandisa kwemwedzi mitatu.
3
Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi.
4
Hanzvadzi yomwana uyu yaimutarisa iri chinhambwe kuti ione chingangoitika kwaari.
5
Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora.
6
Mukunda waFarao paakakudubura tswanda iyi akaona mune mwana mucheche akanga achichema. Akamunzwira tsitsi akati, “Mwana uyu mwana womuHebheru chete.”
7
Ipapo hanzvadzi yomwana uyu yakauyapo ikati kumukunda waFarao, “Ko ndingakudaidzirei zvangu here mureri pavakadzi vechiHebheru wokukuyamwisirai mwana uyu?”
8
Mukunda waFarao akati, “Ee, enda zvako.” Musikana uyu akaenda akandodaidza amai chaivo vomwana iyeyo vokumubereka.
9
Mukunda waFarao akati kwavari, “Torai mwana uyu, mundiyamwisirewo ndichakupai mubayiro wenyu woureri.” Ivo vakatora mwana vakandomurera.
10
Mwana akakura, vakaenda naye kumukunda waFarao, akabva amuita mwana wake. Akamutumidza zita rokuti Mosesi nokuti aiti, “Mwana uyu ndakamunyurura mumvura.”
11
Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru.
12
Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha.
13
Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?”
14
Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!”
15
Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi.
16
Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe.
17
Kwakauyawo vamwe vafudzi vakavadzinganisa. Asi Mosesi akasimuka akandonunura vasikana ava, akanwisa zvipfuwo zvavo.
18
Pavakadzokera kuna baba vavo Reueri baba ivavo vakati, “Ko nhasi makurumidziswa nei kudai?”
19
Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.”
20
Baba vakati kuvana vavo, “Ko zvino munhu wacho ari kupi? Mamusiyireiko? Endai mumudaidze awane chokudya.”
21
Mosesi akagutsikana kugara nomurume uyu. Iye akazopa Mosesi mwana wake Zipora kuti ave mukadzi wake.
22
Zipora akabereka mwana mukomana, Mosesi akatumidza mwana wake zita rokuti Gerishomu achiti, “Ini ndiri mutorwa zvangu munyika yavamwe.”
23
Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari.
24
Mwari akanzwa kudandaura kwavo nenhamo ndokurangarira chitenderano chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho.
25
Mwari akatarisa vaIsiraeri akaita hanya navo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40