bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 22
Exodus 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 23 →
1
“Kana munhu akaba mombe kana hwai akaiuraya, kana kuti akaitengesa, ngaaripiswe mombe shanu pamombe imwechete; pahwai imwechete ngaaripiswe hwai ina.
2
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa ikafa, munhu anenge aiuraya haapiwe mhosva yokuponda munhu.
3
Asi kana zvikaitika ari masikati machena, ane mhosva yokuponda munhu. “Mbavha ngairipiswe zvakakwana, kana isina chainacho, ngaitengeswe pawanikwe muripo wezvayakaba.
4
Kana akanga aba mombe kana kuti dhongi kana hwai, akazowanikwa ainayo iri mhenyu, ngaaripe muripo wakapetwa kaviri.
5
“Kana munhu achingunofudza zvipfuwo zvake mumunda wake wembesa kana kuti wemichero, akarega zvipfuwo zvake zvichindodya mumunda womumwe wembesa, ngaaripiswe mbesa nemichero yakanyatsosvika yomumunda make.
6
“Kana moto ukabatidzwa ukaenderera nomuminzwa kumunda womumwe, ukandopisa mbesa dzake dzakaunganidzwa kana kuti dzimire, munhu anenge atungidza moto iwoyo ngaaripiswe chaizvo.
7
“Kana munhu akachengeteswa mari kana kuti zvinhu zvinokosha, zvobva zvabirwa mumba make, kana mbavha ikazozikanwa, ngairipiswe kanopetwa kaviri.
8
Kana mbavha ichinge isina kuzikanwa, muridzi wemba iyeyu nyakubirwa ngaaunzwe kuna Mwari kudare azopika mhiko yokuti haana kuba zvinhu zvaakanga akachengeteswa.
9
“Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri.
10
“Kana munhu achinge achengetesa mumwe wake dhongi kana mombe, kana kuti hwai yake, kana chimwe zvacho chipfuwo chake, chikazofa, kana kukuvara, kana kupambwa, pasina mumwe akazviona,
11
munhu iyeyo ngaapike nezita raTenzi kune muridzi wacho kuti haana kuchitsakatisa. Muridzi wacho ngaagamuchire zvinenge zvarehwa. Nyakuchengeteswa haazosungirwa kuripa.
12
Asi kana zviri zvechokwadi kuti chakabiwa, nyakuchichengeteswa ngaaripe muridzi wacho.
13
Kana chipfuwo chacho chichinge chakaparadzwa nechikara, ngaauye aratidze dare zvakasiyiwa nechikara, haazoripiswa.
14
“Kana munhu achinge akumbira chipfuwo kuno mumwe, chikakuvara, kana kufa, muridzi wacho asipo, uya anga achikumbira anofanira kutoripa.
15
Asi kana zvaitika muridzi wacho aripo, haaripiswe. Kana changa chichishandisirwa mari, chinongoripwa mari yebasa rachaita chete.
16
“Kana murume akanyengetedza mhandara inenge isati yatumirwa mari yokuroora, akatadza naye, ngaabvise pfuma yose yokumuroora ave mukadzi wake.
17
Kana baba vomusikana varambisisa kuti murume iyeyo amuroore, ngaangobvisiswa muripo unokwanirana neroora rinobvisirwa mhandara.
18
“Usamborega zvako munhukadzi anenge ari muroyi ari mupenyu.
19
“Munhu anenge aita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe.
20
“Munhu anopira chibayiro kuna vamwe vamwari, vasirini Tenzi ngaaurayiwe.
21
“Usaitire mutorwa zvakaipa kana kumubata nenzira isina kunaka nokuti imi maivawo vatorwa munyika yeIjipiti.
22
Musatambudze chirikadzi kana nherera.
23
Kana ukavatambudza vakachema kwandiri, chokwadi ndichanzwa kuchema kwavo.
24
Ndichaviruka nehasha ndigokuurayisai muhondo nebakatwa. Madzimai enyu achasara ava chirikadzi, vana venyu vachivawo nherera.
25
“Kana ukakweretesa mari kune mumwe wavanhu vangu vaugere navo, anenge ari murombo usazoita zvinoitwa navanhu vane basa rokukweretesa mari, usaite chimbadzo.
26
Kana ukabatira jasi romunhu anenge akakukwereta, mudzosere jasi rake zuva risati radoka
27
nokuti ndiro chete raanaro rokufuka. Ko angavate akafukeiko kana asina jasi rake? Kana akazochema kwandiri ndichamunzwa nokuti ndine tsitsi.
28
“Usashore Mwari, usamboti mutongi wako dai awana chinomuwana.
29
“Usanonoke kupira kwandiri mipiro yako yezvinhu zvako zvose zvinoti mbesanwa newaini neyamafuta eorivhi. Unofanira kunditurira vanakomana vako vamatangwe.
30
Itawo zvimwechetezvo nedangwe remombe yako kana rechimwe chipfuwo, ngariregwe riina amai varo kwamazuva manomwe mozoripira kwandiri pazuva rorusere.
31
“Imi munofanira kuva vanhu vatsvene vakatsaurirweni, saka musadye nyama yechinhu chipi zvacho chinenge chaurayiwa nezvikara zvesango, asi ipai imbwa.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40