bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 4
Exodus 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
1
Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ”
2
Tenzi akamuti, “Ko chii chaunacho muruoko icho?” Akati, “Itsvimbo.”
3
Mwari ndokuti, “Ikande pasi.” Akaikanda pasi ikasanduka ikava nyoka Mosesi ndokubva ava kuitiza.
4
Tenzi akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako uibate nokumuswe kwayo.” Mosesi akaibata ikava tsvimbo zvakare.
5
Mwari ndokuti, “Kana ukandoita izvozvi vaIsiraeri vachabvuma kuti ndakazviratidza kwauri ini Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu. Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.”
6
Tenzi akatizve, “Isa ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaisa ruoko rwake muhanzu nechapadundundu. Paakaruburitsa, akaona rwangoti mbe-e kuchena, rwava namaperembudzi.
7
Mwari akati, “Isazve ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaita saizvozvo, akazoruburitsa wanei rwanyatsopora, rwaita sezvakangoitawo muviri wake.
8
Mwari akati, “Kana vachinge varamba kubvuma zvauchareva, kana kugamuchira chiratidzo chokutanga, zvimwe vachanzwa zvinoreva chiratidzo chechipiri.
9
Kana vakaramba kugamuchira zviratidzo izvi zviri zviviri, kana kuramba kunzwa zvauchareva, teka mvura muna Nairi uidururire pasi pakaoma mvura iyoyo yaunenge wateka muna Nairi ichasanduka kuva ropa pasi ipapo.”
10
Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.”
11
Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here?
12
Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.”
13
Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!”
14
Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru.
15
Iwe unofanira kumuudza zvokundotaura. Paunenge uchitaura iwe, napaanenge achitaurawo iye, ndichakubatsirai ndichikurayiridzai zvokuita.
16
Ndiye anenge achikusvitsira mashoko kuvanhu, ari iye muromo wako. Iwe unenge wakaita saMwari kwaari.
17
Chienda wakabata tsvimbo iyi, ndiyo yauchaita nayo zviratidzo zvinoshamisa.”
18
Mosesi akadzokera kuna vatezvara vake vaJetero ndokusvikoti, “Ndibvumireiwo kudzokera kuIjipiti kundoona hama dzangu kuti vapenyu here.” Jetero akati kuna Mosesi, “Zvakanaka, enda hako.”
19
Mosesi paakanga achiri kunyika yeMidhiani, Tenzi akataura kwaari achiti, “Chidzokera zvako kuIjipiti nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.”
20
Nokudaro Mosesi akatora mudzimai wake navana vake vakomana akavakwidza padhongi, ndokubva vapinda munzira kudzokera kuIjipiti. Mosesi akatora tsvimbo yaMwari akaenda akaibata muruoko.
21
Tenzi akati kuna Mosesi, “Zvino kana wadzokera kuIjipiti, ibva wandoitira Farao pameso pake zvishamiso zviya zvose zvandakakupa simba rokuita. Asi ndichaita kuti Farao aomese mwoyo, arege kubvumira vaIsiraeri kubva munyika make.
22
Iwe unofanira kundotaurira Farao kuti, ‘Zvanzi naTenzi: Isiraeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe.
23
Zvino ndinoti rega mwanakomana wangu Isiraeri aende kundondinamata. Asi iwe uri kuramba. Chinzwa, ini ndichaurayawo mwanakomana wako wedangwe.’ ”
24
Vari pane imwewo nzvimbo pavakavata vachiri murwendo, Tenzi akasangana naMosesi akada kumuuraya.
25
Ipapo Zipora mudzimai waMosesi akatora ibwe rinopinza akadzingisa mwanakomana wake. Akagunzva kumakumbo kwaMosesi nenhengo yaakanga abvisa pakudzingisa ikoku achiti, “Zvechokwadi ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri.”
26
Mwari ndokubva amuregera. Chakakonzera mudzimai uyu kuti ati, “Ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri,” kwaiva kudzingisa ikoku.
27
Tenzi akataurira Aroni kuti, “Enda undochingura Mosesi kurenje.” Aroni akandosangana naMosesi pagomo raMwari, akamukwazisa achimutsvoda.
28
Mosesi akaudza Aroni mashoko aTenzi aakatumwa nawo kuIjipiti, akamutaurirawo zviratidzo zvose zvaakaudzwa kundoita.
29
Mosesi naAroni vakaenda vakandokokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri.
30
Ipapo Aroni akavaudza mashoko ose akanga ataurirwa Mosesi naTenzi, akaita zviratidzo zvose zviya vaIsiraeri vachiona,
31
Vanhu vakabva vabvuma. Pavakanzwa kuti Tenzi akashanyira vaIsiraeri, akaonawo kutambudzika kwavo, vakakotamisa misoro kwaari vakapfugama kumunamata.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40