bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 20
Exodus 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 21 →
1
Mwari akataura mashoko ose ano aya
2
achiti, “Ndini Tenzi, Mwari wako ndakakuburitsa kuIjipiti kwawaiva muuranda.
3
“Usave navamwe vamwari kunze kwangu.
4
Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika.
5
Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.
6
Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena kuzviuru nezviuru zvavanondida, vanochengeta mitemo yangu.
7
“Usataure zita raTenzi, Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo.
8
“Yeuka zuva reSabata urierese.
9
Kwamazuva matanhatu shanda zvako, uite basa rako rose,
10
asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi.
11
Ndinodaro nokuti mumazuva matanhatu, ini Tenzi ndakasika denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndikazorora pazuva rechinomwe. Naizvozvo Tenzi akakomborera zuva reSabata akariita zuva rinoera.
12
“Remekedza baba naamai vako, kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi, Mwari wako.
13
“Usauraye.
14
Usaite upombwe.
15
Usabe.
16
Usapupurire mumwe wako zvenhema.
17
Usachive imba yomumwe wako. Usachive mudzimai womumwe, kana munhu anomushandira, murume kana mukadzi, kunyange mombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.”
18
VaIsiraeri vose vakanzwa kudhiriridza, nemheni nokurira kwehwamanda. Vakaona utsi huchipwititika mugomo. Vanhu vakati kanha nazvo vakadedera nokutya, vakamirira kure.
19
Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.”
20
Mosesi akati kuvanhu, “Musatye henyu nokuti Mwari auya kuzoona kuti muri vanhu vakadii. Anodawo kuti kumutya kukupindei muropa, murege kumutadzira.”
21
Vanhu vakamirira kure, asi Mosesi ndiye akaswedera kugore dema dema kuya kwaiva naMwari.
22
Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti kuna vaIsiraeri, ‘Mazviona imi pachenyu kuti ndataura nemi ndiri muchadenga.’
23
Saka musazvigadzire vamwari vesirivha kana vendarama vokundiita zvenyu madirativhange navo.
24
Atari yamunondivakira ngaive yevhu mupire kwandiri zvibayiro zvenyu zvokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana yehwai nemombe. Pose pose pandichasarudza kuti mundinamatirepo ndichauya kwamuri kuzokukomborerai.
25
Kana muchindivakira atari yamabwe musaivake namabwe akavezwa nokuti kana mukatora nhemo muchiveza mabwe matoan'oresa.
26
Musaite madanho okukwirisa kuatari yangu kuti parege kuva nokunyadzisira woonererwa uripo.”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40