bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 6
Exodus 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
1
Asi Tenzi akapindura Mosesi achiti, “Zvino chirega zvako uone zvandichaita kuna Farao iyeyu. Achavaburitsa aona simba roruoko rwangu. Pamusana pesimba rangu iroro achatoita zvokuvadzinga munyika yake.”
2
Mwari akazotaurirazve Mosesi achiti, “Ndini Tenzi,
3
ndakazviratidza kuna Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichizviti Aripagomo, asi handina kunge ndavaudza zita rangu rokuti Yahweh.
4
Ini ndakaitawo chitenderano changu navo ndichiti, ‘Ndichavapa nyika yeKanani mavaimboita zvokugara vachiti apa garei, tamei apa garei tamei.’
5
Ndanzwawo kudandaura nenhamo kuri kuita vaIsiraeri vari kuitiswa uranda navaIjipiti ndokubva ndarangarira chitenderano changu.
6
Naizvozvo udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini ndini Tenzi uye ndini ndichakusunungurai pajoko rinorema ramuri kutakudzwa navaIjipiti.’ Ndichakununurai muuranda ihwohwo. Ndichakudzikinurai nesimba rangu guru, ndichiranga vaIjipiti zvinorwadza.
7
Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu.
8
Ndichakuunzai kunyika yandakatsidzira Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti ndichazovapa, naizvozvo ndichakupai nyika iyoyo kuti ive nhaka yenyu. Ndini Tenzi.”
9
Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda.
10
Tenzi akataurira Mosesi kuti,
11
“Enda undotaurazve namambo weIjipiti kuti ngaarege vaIsiraeri vabude munyika yake vaende zvavo.”
12
Asi Mosesi akataura pana Tenzi achiti, “Ko inga vaIsiraeri chaivo havana kunditeerera wani? Zvino iye Farao ndopaangabva anditeererawo iyeniwo zvangu ndisingagoni kutaura!”
13
Tenzi ndokutaurira Mosesi naAroni achiti, “Udzai vaIsiraeri namambo weIjipiti kuti ndini ndakakutumai kuzoburitsa vaIsiraeri muIjipiti.”
14
Ava ndivo vakuru vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vanakomana vaRubheni dangwe raJakobho ndiHanoki naParu naHezironi naKarimi. Iwaya ndiwo madzitateguru omudzinza rokwaRubheni.
15
Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauro mwanakomana womudzimai wake wechiKanani. Ndivo madzitateguru omudzinza rokwaSimeoni.
16
Haanoi mazita avanakomana vaRevhi vakazova madzitateguru omudzinza ravo: Kunoti Gerishoni naKohati naMerari. Revhi akazofa ava namakore zana namakumi matatu ana manomwe.
17
Vanakomana vaGerishoni ndiRibhini naShimei vari mhuri nemhuri.
18
Vanakomana vaKohati ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Kohati akagara zana ramakore rina makore makumi matatu ana matatu.
19
Vanakomana vaMerari ndiMahiri naMushi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi.
20
Amuramu akaroora Jokebhedhi vatete vake. Ndivo vakamuberekera Aroni naMosesi. Amuramu akagara zana ramakore rina makore matatu ana manomwe.
21
Vanakomana vaIzhari ndiKora naNefegi naZikiri.
22
Vanakomana vaUzieri ndiMishaeri naErizafani naSitiri.
23
Aroni akaroora Erishebha, hanzvadzi yaNahishoni mwana waAminadhabhu. Ndiye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru.
24
Vanakomana vaKora ndiAsiri naErikana naAbhiasafu. Ivava ndivo madzitateguru omumhuri yokwaKora.
25
Ereazari mwanakomana waAroni akaroora mwana waPutieri ndokubereka Finehasi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi mhuri nemhuri.
26
Ivava ndivo vanaAroni naMosesi vacho vakatumwa naTenzi kundoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti.
27
Ivava, ndivo vanyakutaura naFarao, mambo weIjipiti kuti aregedze vaIsiraeri vaende, Mosesi iyeyu naAroni wakareyu.
28
Tenzi paakataura naMosesi munyika yeIjipiti,
29
akati, “Ndini Tenzi! Enda undoudza Farao mambo weIjipiti zvinhu zvose zvandinokutaurira.”
30
Asi Mosesi akataura ipapo pana Tenzi achiti, “Tarisaika muone kuti ini kutaura handinyatsogona. Zvino munoti Farao anganditeererewo here?”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40