bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 35
Exodus 35
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
1
Mosesi akakokera musangano wegungano rose ravaIsiraeri akati, “Hezvinoi zvinhu zvanzi naTenzi muite:
2
Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata rinoera rokunyatsozorora rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoshanda pazuva iroro ngaaurayiwe.
3
Musabatidze moto mumisha yenyu pazuva reSabata.”
4
Mosesi akataurirawo gungano rose ravaIsiraeri kuti, “Hechinoi chirevo chakatemwa naTenzi chinoti:
5
Ipai kuna Tenzi mipiro yezvinhu zvinobva kwamuri. Ani naani ane mwoyochena wokupa ngaauye zvake nechipo kuna Tenzi. Zvinhu zvaanogona kupa ndezvizvi; ndarama nesirivha nendarira,
6
kwouya machira erineni akanakisisa, newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku namachira akagadzirwa nemvere dzembudzi,
7
kwouyawo matehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, namatehwe etahashi, namatanda omuunga,
8
kwoti mafuta omumarambi, netwokubikisa tunonhuhwira namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira,
9
kwozoti tumabwe tweonikisi, notumwe tumabwe twokuisa pahanzu yeefodhi, netwapanyembe yepadundundu.
10
“Nyanzvi dzose dzine ruzivo rwokuita mabasa ngadziuye kuzogadzira zvose zvakanzi naTenzi zviitwe zvinoti;
11
tendhe rinoera pacharo, namachira anovakiswa tendhe racho needenga raro, nezvikochekero zvaro, namapango aro akavezwa nembariro dzaro, namapango aro nezvigadzikiro zvawo,
12
kwouya bhokisi rechitenderano namapango okuritakurisa, nehwidibiro yaro nejira rechidzikatiro,
13
kwoti teburu namapango ayo okuitakurisa, nemidziyo yayo yose nechingwa chokuisa pana Mwari,
14
kwozoti chigadzikirowo chomwenje wokuvhenekesa nemidziyo yacho, namarambi acho, namafuta awo,
15
uye atari yokupisira rusenzi, namapango ayo okuitakurisa, namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera,
16
uyezve atari yokupisira zvibayiro, namapango ayo okuitakurisa nemidziyo yayo, nesefa yayo yendarira, namapango ayo okuitakurisa nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo,
17
uyewo machira okukomberedza nhandare yayo, namapango awo, nezvigadzikiro zvamapango acho, nejira rokudzikatirisa pasuo guru renhandare,
18
poti hoko dzetendhe rinoera, nehoko dzamachira okukomberedza nhandare, netambo dzacho,
19
pozoti hanzu dzakanyatsorukwa dzokushanda nadzo munzvimbo inoera, hanzu dzinoera dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushanda nadzo savapristi.”
20
Gungano rose ravaIsiraeri rakazokotonoka richibva paiva naMosesi.
21
Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera.
22
Naizvozvo vanhurume navanhukadzi vaiva nomwoyo wokupa vakaunza mabhurukwa embirichisi namakoza, nemhete namaringi omumaoko, nezvimwe zvakasiyana-siyana zvendarama, mumwe nomumwe achipira chipo chake kuna Tenzi.
23
Ainge aine wuru yoruvara rwedenga kana kuti yeruvara rwehute kana kuti tsvuku, neainge aine jira rerineni rakanakisisa kwazvo nejira remvere dzembudzi, kana matehwe ehondohwe akatsvukiswa, namatehwe etahashi, akauya nazvo.
24
Munhu wose aikwanisa kuunza chipo chesirivha kana chendarira akachiunza sechipo kuna Tenzi. Munhu wose ainge ane mapango omuunga aigona kuitiswa basa raimomo akauya nawo.
25
Vanhukadzi vose vainge vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira erineni akanyatsogadzirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakauya nazvo.
26
Vanhukadzi vose vaingewo vaine chido mumwoyo mavo, uyewo vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira emvere dzembudzi.
27
Vakuru vakuru vakaunzawo tumabwe tweonikisi notumwe tumambwe twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu,
28
vakaunzawo twokubikisa tunonhuhwira namafuta amarambi namafuta okuzodza norusenzi runonhuhwira.
29
VaIsiraeri vose, varume navakadzi, vakanga vachinzwa mumwoyo mavo shungu dzokupa zvinhu zvokushandisa mubasa rose rakanga raudzwa Mosesi naTenzi kuti riitwe, vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi.
30
Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Chinzwaika, Tenzi akadoma nezita Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuru wedzinza rokwaJudha, akamusarudza.
31
Akamuzadza noMweya waMwari, akamupawo kunzwisisa uye nenjere noruzivo kuti agove noumhizha hwose
32
hwokugona kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira
33
uye kuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu, nokuvezawo miti nokuitawo mamwe mabasa oumhizha.
34
Akamupa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani, mwoyo wokuda kudzidzisa vamwe.
35
Akavapa unyanzvi hwezvokupfura noumhizha mumabasa, nokugona kushongedza vachirukira wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku uye machira erineni akanakisisa. Akavapawo unyanzvi hwokuruka nohwokuita mabasa ose zvawo, neokufanotara mamiriro ezvingade kuitwa.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40