bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 29
Exodus 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
1
“Izvi ndizvo zvauchaita kuna Aroni navanakomana vake paunovateketerera kwandiri kuti vandiitire basa roupristi. Unotora handira ichiri duku imwechete nehondohwe mbiri dzisina chinoshoreka padziri,
2
wotorawo chingwa chisina mbiriso, nechimwe chingwa chisina mbiriso choupfu hwakakanywa namafuta, nechingwa chakati fatata chisina mbiriso chakazorwa mafuta. Ngachive chakabikwa noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa.
3
Unozviisa mutswanda, wouya nazvo zviri mutswanda imomo, uuyewo nehandira nehondohwe mbiri dziya.
4
“Unofanira kuzounza Aroni navanakomana vake kumusuo wetendhe rokusanganira uvati vashambe nemvura,
5
utore hanzu dziya upfekedze Aroni hanzu inoda kusvika mumabvi negemenzi reefodhi, neefodhi, nenyembe yapadundundu, umusunge muchiuno nomundya wakanyatsorukwa uya weefodhi.
6
Unomupfekedza ngundu iya mumusoro, womoneredza ngundu iyoyo nekarata kanoera kaya,
7
utore mafuta okuzodza woadira pamusoro wake, uchimuzodza.
8
“Unofanira kuunzawo vana vake vakomana uvapfekedze hanzu dzinoda kusvika mumabvi,
9
usunge vanakomana ivavo mindya muchiuno uvapfekedze nguwani. Basa iroro roupristi richava ravo narini narini. Uku ndiko kugadza kwauchaita Aroni navanakomana vake.
10
“Unofanira kuzounza handira iya kumusuo wetendhe rokusanganira, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wayo,
11
ubayire handira iyoyo paneni Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira.
12
Unozotora rimwe ropa rehandira iyoyo, unyike munwe wako urizore pane zvinenge nyanga zviri paatari. Ropa rose rinenge rasara ngaridururirwe pasi munyasi meatari.
13
Mafuta ari pane zvomukati mehandira atore pamwechete nechinyama chepachiropa netsvo dziri mbiri pamwechete namafuta ari padziri, uzvipise paatari.
14
Asi nyama yehandira iyoyo nedehwe rayo nechinzvinzvi chayo, ngazvipisirwe kunze kwamatendhe nokuti chibayiro ichochi chibayiro chokupfupira zvitadzo.
15
“Unozotorawo imwe yehondohwe dziya, Aroni navana vake vakomana vaise maoko avo pamusoro wayo.
16
Unouraya hondohwe iyoyo, wotora ropa rayo, worisasa paatari yose uchiitenderera.
17
Unocheka-cheka hondohwe iyoyo, wosuka zvose zvomukati mayo namazondo ayo, woisa izvozvo zvose pamwechete namapandi enyama pamusoro wayo.
18
Hondohwe yose iyoyo woipisa paatari, chibayiro ichochi, chibayiro chokupisireni Tenzi, chinonhuwira zvinondifadza, chinopirwa kuna Tenzi chichiita zvokupiswa nomoto.
19
“Imwe hondohwe iya, unozofanira kuitora, Aroni navana vake vakomana vaise maoko avo pamusoro wayo.
20
Unobaya hondohwe iyoyo, wotora rimwe ropa rayo, woriisa kwokupedzisira kwenzeve yokurudyi yaAroni, nekwokupedzisira kwenzeve dzavanakomana vake dzokurudyi, woisawo ropa pazvara zvavo zvokurudyi napazvigunwe zvavo zvikuru zvokurudyi. Ropa rose rinenge rasara unorisasa paatari yose uchiitenderera.
21
Unozotora rimwe ropa riri paatari namamwe mafuta okuzodza, wozvisasa Aroni napahanzu dzake, wozvisasawo vanakomana vake vaanavo napahanzu dzavo. Aroni navanakomana vake vaanavo vacho vanobva vava vatsvene pamwechete nehanzu dzavo.
22
“Unofanirawo kutora mafuta ehondohwe, nomuswe wayo wakakora, namafuta ezvomukati nechinyama chapachiropa netsvo dziri mbiri pamwechete namafuta ari padziri nechidya chokurudyi nokuti (hondohwe iyoyo ndiyo inopirwa pakugadzwa kwavapristi.)
23
Mutswanda ine zvingwa zvisina mbiriso zvakapirwa kuneni Tenzi, unotora chingwa zvacho chimwechete nechimwe chakabikwa namafuta, nechimwe chakati fatata.
24
Zvose izvozvo unozviisa mumaoko aAroni navana vake vakomana, vazvivheyese vachiita mupiro wokuvheyesa kwandirini Tenzi,
25
wozozvitora mumaoko avo wozvipisira paatari kuwedzera chibayiro chokupisa chiya. Chibayiro ichochi chinonhuhwira zvinofadzeni Tenzi, chinopirweni Tenzi chichiita zvokupiswa nomoto.
26
“Unofanira kutora chityu chehondohwe yokugadzwa kwaAroni, wochivheyesa uchiita mupiro wokusimudzira kuna Tenzi, ichocho ndiwo mugove wako.
27
“Unoteketerera kwandiri chityu chehondohwe yokugadza ichocho chinenge chavheyeswa chomupiro wokusimudzirwa kuna Mwari nechidya chayo chomugove wavapristi nokuti ndezvaAroni navana vake vakomana.
28
Zvichava zvaAroni navanakomana vake somugove wavo narini narini unobva kuvaIsiraeri nokuti mupiro unopirwa uchiita zvokusimudzirwa unobva pane zvinopirwa navaIsiraeri pamipiro yavo yokuwadzana, iwoyu mupiro wavo kuna Tenzi.
29
“Hanzu dzinoera dzaAroni dzaanenge asiya, afa, dzichava dzavanakomana vake kuti vadzipfeke pavanozodzwa vachigadzwa upristi.
30
Mwanakomana waAroni anenge azotora nzimbo yake youpristi, anenge achizopinda mutendhe rokusanganira kuti ashande ari munzvimbo inoera, anofanira kupfeka hanzu idzodzo kwamazuva manomwe.
31
“Unofanira kutora nyama yehondohwe inopirwa pakugadzwa kwavapristi uibikire panzvimbo inoera,
32
Aroni navanakomana vake vadyire nyama iyoyo pamwechete nechingwa chiya chakasara chiri mutswanda, kumusuo kwetendhe rokusanganira.
33
Vanodya zvokudya izvozvo zvomupiro wokupfupira zvitadzo unopirwa pavanoteketererwa kwandiri vachigadzwa. Mumwe munhuwo zvake haabvumirwi kuzvidya nokuti zvinoera.
34
Kana nyama nechingwa zvapaugadzo ihwohwo zvikafuma mangwana zvichiripo, ngazvipiswe nomoto. Ngazvirege kudyiwa nokuti zvinoera.
35
“Ndozvauchaita pakugadza Aroni navanakomana vake uchitevera zvose zvandakuudza. Kuvagadza kwaunoita kunofanira kutora mazuva manomwe.
36
Unopira handira yechibayiro chokupfupira zvitadzo pazuva roga roga, uyezve mupiro wokupfupira zvitadzo wokunatsa atari, woizodza mafuta okuieresa.
37
Kwamazuva manomwe, pira zvibayiro zvokupfupira atari uchiitira kuti ive inoera. Atari ichava inoera kwazvo. Chii zvacho chinenge chazogunzvana neatari chinobva chava chinoera.
38
“Zvamunofanira kuramba muchipira paatari ndezvizvi: hwayana mbiri dzine gore rimwechete pazuva roga roga.
39
Imwe unoipira mangwanani, imwewo wozoipira kumanheru.
40
Hwayana yokutanga unoipira pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hunenge hwakakanyiwa namafuta okusvina eorivhi anoita rita rimwechete, udire rita rimwechete rewaini uve mupiro wokuteura.
41
Hwayana yechipiri unoipira manheru pamwechete noupfu hwomupiro wembesanwa newaini yomupiro wokuteura sezvinenge zvaitwa pamupiro wamangwanani nokuti mupiro iwoyu unonhuhwirira zvinofadza, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa nomoto.
42
Garai muchipira mupiro wokupisa wakadai pazvizvarwa zvenyu zvose muchiuitira kumusuo wetendhe rokusanganira paneni Tenzi kwandichasangana nemi kuzotaura newe.
43
Ndikowo kwandichasangana navaIsiraeri, ichava nzvimbo inoera pamusana pokupenya kwokuvapo kwangu.
44
Ndichaita kuti tendhe rokusanganira neatari zvive zvinhu zvinoera. Ndichaitawo kuti Aroni navanakomana vake vave vanhu vanoera, vandishandire savapristi.
45
Ini ndichagara pakati pavaIsiraeri, ndiri Mwari wavo.
46
Ipapo vachazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wavo akavaburitsa munyika yeIjipiti kuti ndigare pamwechete navo. Ndini Tenzi, Mwari wavo.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40