bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 32
Exodus 32
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
1
VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.”
2
Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.”
3
Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni.
4
Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.”
5
Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.”
6
Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba.
7
Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome;
8
nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ”
9
Tenzi akati kuna Mosesi, “Ndaona zvino kuti vaIsiraeri ava itsvuuramuromo dzavanhu.
10
Chirega zvako uone ndichivavirukira nehasha ndivaparadze, asi ndozoita kuti iwe uve rudzi rukuru.”
11
Asi Mosesi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Nhai Tenzi mungagodarireiko kuvirukira vanhu venyu nehasha? Vanhu vamakaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru!
12
Munodirei kuti vaIjipiti vazoti, ‘Tenzi akabvisa vaIsiraeri muIjipiti kuti andovaurayira mumakomo achivatsakatisa panyika zvachose?’ Ndapota zvangu, regai zvenyu kushatirwa. Dai mukarega kuita zvamareva. Musaitire vanhu venyu zvakaipa zvikadaro.
13
Rangarirai varanda venyu Abhurahamu naIsaki naJakobho, vamakapikira mhiko nezita renyu pachenyu muchivati, ‘Ndichakupai vana vakawanda senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika yose yandakareva kuti ive nhaka yavo narini narini.’ ”
14
Naizvozvo Tenzi akabva azorega kuita zviya zvaakanga ambofunga kuita kuvanhu vake.
15
Mosesi akazoburuka mugomo akabata mumaoko mafendefa maviri okupupurira, akanyorwa mativi ose ari maviri.
16
Mwari ndiye akanga agadzira mafendefa iwayo, ndiye pachake akanyora mitemo paari. Mazwi acho akanga akaita zvokutemerwa pabwe.
17
Joshuwa akanzwa vanhu vachiita mheremhere akataura naMosesi achiti, “Ndiri kunzwa mheremhere kumatendhe, inenge yavanhu vari kurwa hondo.”
18
Mosesi ndokuti, “Haasi mazwi avanhu vakunda. Haasi mazwi avanhu vakundwa, mazwi okuimba ndoandiri kunzwa.”
19
Paakazosvika pedyo namatendhe Mosesi akaona chimhuru chiya navanhu vakanga vachitamba, ndokubva aviruka nehasha. Pakarepo akakanda pasi mafendefa aakanga akatakura ndokubva apwanyika mujinga megomo imomo.
20
Mosesi akatora chimhuru chavakanga vagadzira, akachipisa nomoto akachikuya-kuya akaisa zviupfu zvacho mumvura, ndokuita kuti vaIsiraeri vanwe mvura yacho.
21
Mosesi akabvunza Aroni achiti, “Vanhu ava vakaitei chaizvo kwauri chakakuita kuti uvapinze muchitadzo chakaipa chikadai?”
22
Aroni ndokuti, “Musandivirukire zvenyu nehasha changamire. Imi munoziva kuti vanhu ava vanhu vane mwoyo wakaipa.
23
Ndivo vakatonditi, ‘Tigadzirire vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesiwo uyu nyakutiburitsa muIjipiti hatichamboziva chakamuwira.’
24
Ini ndokuvati, ‘Ani naani ane zvishongo zvendarama ngaandipe.’ Naizvozvo vakandipa, ini ndikazvikanda mumoto, ndopazobva chimhuru ichochi.”
25
Mosesi paakaona kuti vanhu varasika, vaenda mutome nokuti Aroni akanga avarega vachipanduka zvinovashoresa navavengi vavo,
26
Mosesi akabva amira pasuo guru rapamatendhe akadaidzira achiti, “Vose vanosimbira kudivi raTenzi uyai kuno kwandiri.” VaRevhi vose vakaungana kwaiva naMosesi.
27
Mosesi ndokuti kwavari, “Tenzi, Mwari weIsiraeri anoti, ‘Mose torai mapakatwa enyu, mubvongodze mumatendhe ose, muchiuraya hama dzenyu neshamwari dzenyu navamanga makagarisana navo, mubvire pasuo guru rino iri kusvikira kusuo guru rouko.’ ”
28
VaRevhi vakaita zvakanga zvarehwa naMosesi, musi iwoyo kwakafa vanenge zviuru zvitatu.
29
Mosesi akati, “Nhasi imi vaRevhi manyatsozvipira kuita basa raTenzi nokuti mateerera shoko rake pamauraya vanakomana venyu nehama dzenyu kuti akukomborerei nhasi uno.”
30
Mangwana acho Mosesi akataurira vaIsiraeri kuti, “Imi makatadzira Mwari, nechitadzo chikuru kwazvo, zvino ini ndichadzokera kuna Tenzi, pamwe, ndingagone kumuteta pachitadzo chenyu.”
31
Saizvozvo Mosesi akadzokera kuna Tenzi akasvikoti, “VaIsiraeri vakapara chitadzo chikuru kwazvo. Vakazvigadzirira vamwari vendarama vakavanamata.
32
Ndapota varegerereiwo chitadzo chavakaita. Asi kana musingade kuvaregerera, chidzimai zvenyu zita rangu mubhuku renyu mamakarinyora.”
33
Asi Tenzi akati kuna Mosesi, “Anenge anditadzira ndiye wandinodzima mubhuku rangu.
34
Zvino chienda undotungamirira vanhu vaende kunyika iya kwandakakuudza. Mutumwa wangu achakutungamirira. Asi zuva randichavabvakachira ndichavarangira chitadzo chavo ichochi.”
35
Tenzi akazorova vaIsiraeri neshamhu yedenda nokuti vakanga vaumba chimhuru chavakagadzirirwa naAroni.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40