bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 38
Exodus 38
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 39 →
1
Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana.
2
Akaveza zvainge nyanga zvina zvapamusoro pamakona mana eatari, zvakanga zvakavezwa zvakabatana neatari yacho. Akanamirira atari iyoyo noutare hwendarira.
3
Akagadzirawo midziyo yose yokushandisa paatari inoti: migomo yokubvisira dota namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okutapisa moto nemimwe midziyo yayo yose. Midziyo iyoyi yose yakagadzirwa nendarira.
4
Akagadzirira atari sefa yendarira yakaita somumbure. Akaisa sefa yacho pazasi pomupendero wapamusoro peatari, ichirembera kusvika pakati.
5
Akagadzirawo maringi mana endarira akaaisa pamakona mana esefa iyoyo yendarira mokupfekera mapango okutakurisa atari.
6
Akaveza mapango omuunga akaanamirira nendarira.
7
Akapfekera mapango iwayo mumaringi apamativi maviri eatari okuwana matakuriro. Akaigadzira namapuranga iine zimhango risina chinhu.
8
Akagadzira dhishi rendarira rokushambira rine chigadzikiro charo chendarira yaibva kuzviringiriro zvavakadzi vaishanda kusuo guru retendhe rinoera.
9
Akagadzira nhandare: machira okuikomberedza nawo okuchamhembe erineni akanakisisa aiva noupamhi hunoita mamita makumi mana ana mamita mana. Iwayo aiita mamita makumi mana ana mana.
10
Akaita mapango awo makumi maviri nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha.
11
Kuchamhembe, kwaiva nourefu hwaiita mamita makumi mana ana mamita mana, akaita mapango awo makumi maviri, nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha.
12
Kumadokero, kwaiva namachira ane upamhi hunoita mamita makumi maviri ana mamita maviri, namapango awo gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi; mbariro nezvipikiri zvawo zvaiva zvesirivha.
13
Kumusuo wayo, kumabvazuva kwaiva neane mamita makumi maviri ana mamita maviri.
14
Machira okudzikatirisa edivi rimwechete rokusuo guru aiva mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu namapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu,
15
rimwewo divi raikoko raivawo namachira akanga aina mamita matanhatu ana masendimita matanhatu nemapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu.
16
Machira ose okudzikatirisa aikomberedza nhandare yacho akanga akagadzirwa namachira erineni akanakisisa.
17
Zvigadzikiro zvemapango zvaiva zvendarira. Asi zvipikiri zvemapango nembariro dzawo zvaiva zvesirivha, pamusoro pawo pakaputirwawo nesirivha. Mapango ose omunhandare yaro akanga akabatanidzwa nembariro dzesirivha.
18
Jira rokudzikatirisa pasuo rokupinda muruvanze macho rakanga rakarukwa namachira erineni akanakisisa. Rakanga rakarukirirwa richishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku urefu hwaro huchiita mamita mapfumbamwe, kureba kwaro mudenga kuchiita mamita maviri sezvakangoita machira okudzikatirisa enhandare iyoyo.
19
Mapango awo akanga ari mana, aine zvigadzikirowo zvawo zvendarira zvina. Zvipikiri zvawo zvaivawo zvesirivha, zvapamusoro dzawo nembariro dzawo zviri zvesirivha.
20
Hoko dzose dzetendhe rinoera nedzenhandare yakanga yakaripoteredza dzaiva dzendarira.
21
Zviri pano apa ndizvo zvose zvakashandiswa mutendhe rinoera, tendhe rechitenderano, sokuverengwa kwazvakaitwa zvichitungamirirwa naItamaru, mwanakomana womupristi Aroni, sokuudzwa kwaakanga aitwa naMosesi.
22
Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuri wedzinza rokwaJudha, akagadzira zvose zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi
23
aina Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani. Ohoriabhu aiva nyanzvi yokunyora pasimbi napazvivezwa, aiziva kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzoitwa. Aigona kurukirira machira erineni newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku.
24
Ndarama yose yakashandiswa pabasa rokuvaka Nzvimbo Inoera yakanga yapirwa kuna Mwari, yairema chiuru chamakirogiramu maererano neshekeri romuNzvimbo Inoera.
25
Sirivha yakaunzwa negungano ravanhu vakanga vaverengwa yairema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina mazana mana ana makumi matatu amakirogiramu ari pamwero wemari yeshekeri yomuNzvimbo Inoera,
26
bheka pamunhu, zvichireva hafu yeshekeri romuNzvimbo Inoera pamunhu mumwe nomumwe akanga averengwa pakuverenga vanhu ikoku, kubvira kuna vaiva namakumi maviri amakore zvichikwira. Yaiva yavarume mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ane makumi mashanu avanhu.
27
Pasirivha iyoyo, makirogiramu akagadziriswa zvigadzikiro zvamapango eNzvimbo Inoera, needzejira rechidzikatiro, zviuru zvitatu namazana mana.
28
Pamakirogiramu makumi matatu esirivha akasara, Bhezarieri akaagadzirisa zvipikiri zvamapango nokunamirira misoro yamapango dzokushandisa pambariro.
29
Ndarira yomupiro wokuvheyeswa yairema makirogiramu zviuru zviviri zvine mazana mana ana makumi maviri amakirogiramu namakirogiramu mashanu.
30
Ndiwo aakatora akagadzira zvigadzikiro zvamapango dzapamusuo wetendhe rokusanganira, akagadzirawo nawo atari yendarira nesefa yayo yendarirawo nemidziyo yose yeatari iyoyo;
31
kwouyawo zvigadzikiro zvaitenderedza nhandare yose, nezvigadzikiro zvapasuo guru raro nehoko dzose dzetendhe rinoera, nedzamachira okudzikatirisa aikomberedza nhandare yaro yose.
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40