bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 24
Exodus 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
1
Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora Aroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru makumi manomwe vevaIsiraeri, mukwire muno mugomo mandiri. Musati masvika pandiri pfugamai mundiremekedze.
2
Iwe Mosesi ndiwe woga uchasvika pedyo neni Tenzi, asi vamwe ngavarege kuswedera pedyo, vamwe vanhu ngavarege kukwira muno newe.”
3
Mosesi akandoudza vaIsiraeri zvose zvakarehwa naTenzi nemirao yose. Vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Tichaita zvose zvataurwa naTenzi.”
4
Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri.
5
Ipapo Mosesi akatuma mamwe majaya echiIsiraeri, akandopira zvibayiro zvokupisa, akapirawo zvibayiro zvemipiro yokuwadzana zvemombe kuna Tenzi.
6
Mosesi akatora rimwe ropa rezvibayiro ndokuriisa mumidziyo. Rimwe racho akasasa naro atari.
7
Akazotora bhuku rechitenderano akariverenga vanhu vachinzwa. Vanhu vakati, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita, tichava vanhu vanoteerera.”
8
Mosesi akatora ropa riya ndokurisasa pavanhu, achiti, “Ropa iri, nderechitenderano chaTenzi chaaita nemi maererano nemirao yaakupai.”
9
Mosesi naAroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru vevaIsiraeri makumi manomwe vakakwiramo,
10
vakaona Mwari weIsiraeri. Pasi petsoka dzake painge pane ruware rwakaita samabwe anokosha esafaya, rwakati ngwerewere sokunze sezvakangoita mudenga'mu.
11
Asi haana kuparadza vakuru vakuru vevaIsiraeri ivavo. Vakaona Mwari, kudya vakadya, kunwa vakatonwawo zvavo.
12
Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.”
13
Mosesi naJoshuwa, mubatsiri wake, vakasimuka. Mosesi akakwira mugomo raMwari.
14
Akasiya audza vatungamiriri vaya kuti, “Imi imbotimirirai pano, kudzamara tadzoka kuno kwamuri. Zvavapo ndezvizvi, Aroni naHuri ndivo vamuchasara navo. Anenge ane chanyanya kunetsa ngaaende kundoona ivava.”
15
Mosesi akakwira mugomo, gore ndokubva rati gude gude kufukidza gomo iroro.
16
Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakauya pagomo reSinai, gore rikafukidza gomo iroro kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, iye ari mukati megore akadaidzira kuna Mosesi.
17
Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri.
18
Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40