bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Exodus 33
Exodus 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 34 →
1
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iwe navaIsiraeri vawakaburitsa munyika yeIjipiti, chisimukai muende kunyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho kuti ndichazopa vana vavo.
2
Ini ndichatoita zvokutotuma mutumwa wangu akutungamirirei, ndigodzinga vaKanani navaAmori navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.
3
Chiendai zvenyu kunyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi nokuti ini handichaenda ndiri pakati penyu. Ndingadaro ndikazokuparadzai nokuti imi muri tsvuuramuromo dzavanhu.”
4
Vanhu vakati vachinzwa mashoko akaipa kudai, vakachema. Vose vakarega kupfeka zvishongo zvavo zvendarama.
5
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuvaIsiraeri, ‘Imi muri tsvuuramuromo dzavanhu, kana ndikaenda ndiri pakati penyu, kunyange kwakanguva kaduku ndingakutsakatisei.’ Zvino chibvisai zvishongo zvenyu zvendarama, ndigozoona zvangu zvandichaita nemi.”
6
Kubvira panguva yakabva vaIsiraeri pagomo reSinai havana kuzopfekazve zvishongo zvendarama.
7
Mosesi aiti kana vasvika pavaidzika matendhe, aitora rimwe tendhe achindoridzika chinhambwe riri paro roga. Tendhe iroro akaritumidza zita rokuti tendhe rokusanganira. Ani naani ainge aine zvaanoda kuna Tenzi aienda kutendhe rokusanganira iroro rainge riri kunze kwamatendhe.
8
Paienda Mosesi kutendhe iroro vanhu vose vaimira pamisuo yamatendhe avo vachiramba vakatarisa Mosesi, kudzamara apinda mutendhe rokusanganira.
9
Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi.
10
Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata.
11
Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro.
12
Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni.
13
Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.”
14
Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.”
15
Mosesi akati kwaari, “Kana imi musingaende nesu musatirege tichibva pano
16
nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?”
17
Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
18
Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.”
19
Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.”
20
Asi akati, “Haugone kuona chiso changu nokuti hakuna munhu angandione akaramba ari mupenyu.”
21
Tenzi akati, “Chinzwa, pane imwe nzvimbo iri kuno kwandiri ndopauchamira padombo.
22
Saka kupenya hwokuvapo kwangu pakuchapfuura nepo, mubako redombo iroro ndichakufukidza noruoko rwangu kudzamara ndapfuura.
23
Ndichabvisa ruoko rwangu, undione nechokumusana kwangu chete. Asi chiso changu hachionekwi.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40