bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 1
Luke 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu,
2
sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko,
3
neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa,
4
kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa.
5
Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti.
6
Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi.
7
Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera.
8
Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari,
9
janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi.
10
Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi.
11
Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi.
12
Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya.
13
Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani.
14
“Iwe uchazofara nokupembera, vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake,
15
nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake.
16
Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo.
17
Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.”
18
Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?”
19
Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka.
20
“Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.”
21
Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi.
22
Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu.
23
Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake.
24
Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti,
25
“Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.”
26
Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti,
27
kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria.
28
Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.”
29
Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi.
30
Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe.
31
Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu.
32
Iye achava mukuru — mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi.
33
Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi.
34
Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?”
35
Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari.
36
Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje.
37
Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.”
38
Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
39
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha.
40
Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make.
41
Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene,
42
ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu.
43
Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu.
44
Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
45
“Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”
46
Maria ndokubva atiwo;
47
“Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu.
48
Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’
49
nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera.
50
Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa.
51
Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
52
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka.
53
Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
54
Akarangarira tsitsi dzake akabatsira Isiraeri muranda wake.
55
Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu, kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”
56
Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.
57
Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana.
58
Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye.
59
Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya,
60
asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.”
61
Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.”
62
Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani.
63
Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru.
64
Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari.
65
Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea.
66
Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari.
67
Zvino baba vake Zakariya, vakazadzwa naMweya Mutsvene vakaporofita vachiti,
68
“Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri, nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura;
69
akatimutsira Muponesi ane simba mumba maDhavhidhi muranda wake,
70
sokutaura kwaakaita nemiromo yavaporofita vake vatsvene vakare,
71
kuti atinunure kumhandu dzedu, nomumaoko avose vanotivenga,
72
kuri kuratidza tsitsi sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu, nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene,
73
nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu,
74
chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu, timushandire tisingatyi,
75
tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama pamberi pake mazuva edu ose.
76
“Iwe mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro, nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi kundomugadzirira nzira dzake,
77
kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso ruri mukuregererwa kwezvitadzo zvavo,
78
pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu, apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro,
79
kuzovhenekera vagere murima nomumumvuri worufu, nokutungamirira tsoka dzedu munzira yorugare.”
80
Mwana akazokura akasimba mumweya. Aigara murenje kusvikira zuva raakazviratidza kuvaIsiraeri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24