bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 24
Luke 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira.
2
Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva.
3
Asi pavakapinda havana kuwana chitunha.
4
Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru.
5
Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa.
6
Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea
7
zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ”
8
Vakayeuka mazwi ake.
9
Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose.
10
Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo.
11
Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda. [
12
Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.]
13
Zuva rakarero vamwe vavo vaviri vaienda kunomumwe musha wainzi Emausi waiva makiromita gumi nerimwechete kubva kuJerusaremu,
14
vachitaurirana nezvezvinhu izvi zvose zvakanga zvaitika.
15
Pavakanga vachitaura vachikurukurirana Jesu pachake akaenda pedyo akafamba navo.
16
Asi vakaita chidzimira vakatadza kumuziva.
17
Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu.
18
Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?”
19
Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose
20
uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa.
21
Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika.
22
Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani
23
vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu.
24
Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.”
25
Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita.
26
Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?”
27
Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake.
28
Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira.
29
Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo.
30
Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari.
31
Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari.
32
Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?”
33
Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo,
34
vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.”
35
Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa.
36
Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”).
37
Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu.
38
Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu?
39
Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.”
40
Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
41
Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?”
42
Vakamupa hove yakagochwa
43
akaitora akaidya pamberi pavo.
44
Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ”
45
Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene.
46
Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu
47
uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu.
48
Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi.
49
Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ”
50
Akavatungamirira kusvika kuBhetania. Akasimudza maoko ake akavakomborera.
51
Paakanga achivakomborera akabva pavari akakwidzwa kudenga.
52
Vakadzokera kuJerusaremu norufaro rukuru;
53
vairamba vari muTemberi vachirumbidza Mwari.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24