bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 6
Luke 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya.
2
Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?”
3
Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo,
4
kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?”
5
Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.”
6
Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara.
7
Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo.
8
Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira.
9
Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?”
10
Akaringa — ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka.
11
Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu.
12
Pamazuva iwayo Jesu akabuda akaenda kugomo kundonamata. Akapedza usiku hwose achinamata kuna Mwari.
13
Kuzoti kwaedza, akadana vadzidzi vake akasarudza pakati pavo gumi navaviri, vaakatumidza zita rokuti vapositori.
14
Kunoti Simoni waakatumidza zita rokuti Pita, naAndireya munun'una wake, kwoti Jemusi, naJohani, kwozoti Firipi, naBhatoromeo,
15
tevere Mateu, naTomasi, kwouya Jemusi mwana waArifeo, naSimoni muZiroti,
16
Ndokuzouyawo Judhasi mwana waJemusi, naJudhasi Isikariyoti uya akazova mupanduki.
17
Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa,
18
vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa.
19
Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose.
20
Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti, “Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21
“Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino nokuti muchazogutswa. Makakomborerwa imi munochema zvino nokuti muchazoseka.
22
“Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai, vasingadi kufambidzana nemi, vachikunyombai vachiipisa zita renyu, sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu!
23
Farai pazuva iroro, muchipembera nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita madzibaba avo kuna vaporofita.
24
“Asi zvichakuwanai imi vapfumi nokuti kugarika kwamunako ndikoko kwese kwamatowana.
25
“Zvichakuwanai imi munamaguta zvino nokuti muchazova nenzara. Zvichakuwanai imi munoseka zvino nokuti muchasuruvara nokuchema.
26
“Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo kuna vaporofita venhema.
27
“Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai.
28
Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai.
29
Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako.
30
Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete.
31
Zvamunoda kuti vamwe vakuitirei vaitireiwo saizvozvo.
32
“Kana muchingoda vanokudai, munokodzera chitusoi? Nokuti kana vatadziwo vanoda vanovada.
33
Uye kana muchiitira zvakanaka vanokuitirai zvakanaka munokodzera chitusoi? Nokuti kunyange vatadzi vanodarowo.
34
Kana muchikweretesa vamunofunga kuti vanozokudzorerai munokodzera chitusoi? Kana vatadzi vanokweretesa vamwe vatadzi kuti vagodzorerwa zvakaenzana.
35
Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa.
36
Ivai netsitsi saBaba venyu vane tsitsi.
37
“Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo.
38
Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.”
39
Akazovataurirawo muenzaniso achiti, “Ko bofu ringatungamirire rimwe bofu here? Haangawire mugomba ose ari maviri here?
40
Mudzidzi haasi mukuru panomudzidzisi wake. Asi kana munhu wose achinge anyatsodzidziswa anoita somudzidzisi wake.
41
Ko unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso mako.
42
Kana kuti ungagone sei kuti kuhama yako, ‘Hama, rega ndikubvise kabanzu kari muziso mako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso mako?’ Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso mako, kuti unyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
43
“Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
44
Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato.
45
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.
46
“Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva?
47
Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani.
48
Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa.
49
Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24