bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 19
Luke 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Akapinda muJeriko achipfuura nomo.
2
Maiva nomumwe murume ainzi Zakeo. Aiva mukuru mukuru wavateresi uye ari mupfumi.
3
Aida kuona zvakaita Jesu asi haana kukwanisa nokuda kwegurumwandira ravanhu nokuti iye akanga akapfupika.
4
Ipapo akafanomhanyira mberi ndokukwira mumuonde kuti amuone nokuti akanga achizopfuura nepo.
5
Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.”
6
Saizvozvo akakurumidza kuburuka akamugamuchira norufaro.
7
Vanhu pavakazviona, vose vakanyunyuta vachiti aenda kundogara mumba momutadzi.
8
Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.”
9
Jesu akati kwaari, “Nhasi uno ruponeso rwauya kumba ino nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahamu
10
nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
11
Pavakanga vakateerera zvinhu izvi, akaenderera mberi achivapa muenzaniso nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu uye nokuti vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga hwava kuda kutoonekwa.
12
Naizvozvo akati, “Mumwe murume wokumbahuru akaenda kune imwe nyika iri kure kundopiwa umambo achizodzoka.
13
Akashevedza varanda vake gumi akavapa gumi repondo, achiti kwavari, ‘Itai mhindu nayo kusvikira ndauya.’
14
Asi vanhu vake vaimuvenga. Vakatumira nhume dzokumutevera dzichiti, ‘Hatidi kuti munhu uyu atitonge.’
15
Paakadzoka apiwa umambo huya akati varanda vake vaakanga apa mari iya vadaidzwe kwaari kuti azive kuti mumwe nomumwe akanga awanei nemhindu.
16
Wokutanga akauya kwaari achiti, ‘Changamire pondo yenyu yakabereka dzimwe pondo gumi pamusoro.’
17
Iye akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka! Pamusana pokuti wakatendeka muzvinhu zvidikidiki kudai uchatonga maguta gumi.’
18
Wechipiri akauyawo achiti, ‘Tenzi pondo yenyu yakabereka pondo shanu.’
19
Iye akati kwaari, ‘Iwewo uchatonga maguta mashanu.’
20
Mumwe akauya achiti, ‘Tenzi pondo yenyu iyi ini ndakaipfundira muhengechepfu,
21
nokuti ndaikutyai nokuti muri munhu akaomarara. Munonhonga chamusina kuisa pasi, muchikohwa chamusina kudyara.’
22
Akati kwaari, ‘Ndinokupa mhosva nezvabva mumuromo mako, iwe muranda akaipa. Heya waitoziva zvako kuti ndiri munhu akaomarara anonhonga chaasina kuisa pasi nokukohwa paasina kudyara,
23
ko zvino wakaregererei kuisa mari yangu mubhangi. Pandainge ndauya ndaizoitora yabereka.’
24
Akati kuna vakanga vakamira pedyo, ‘Mutorerei pondo iyoyo muipe kune ane gumi repondo.’
25
Vanhu vakati kwaari, ‘Tenzi, inga ane gumi repondo wani.’
26
Ndinokutaurirai kuti munhu wose anazvo achawedzerwa zvimwe asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achachitorerwa.
27
“Asi zvemhandu dzangu dziya dzaisada kuti ndidzitonge dziunzei pano mudziuraye ndakatarisa.”
28
Paakapedza kutaura izvi, akatungamira vachikwira kuJerusaremu.
29
Paakanga ava kusvika kuBhetifage nokuBhetania kugomo rinonzi Orivheti, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,
30
“Endai mumusha wakatarisana nesu wamunoti kana mavakupindamo muchaona chigondora chedhongi chakasungirirwa chisati chambotaswa nomunhu. Chisinungurei muuye nacho kuno.
31
Kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kuchisunungurirei?’ Munomuti, ‘Tenzi anochida.’ ”
32
Saizvozvo vaya vakatumwa vakaenda vakawana zvakangoita sokuvataurira kwaakanga aita.
33
Pavakanga vavakuchisunungura varidzi vacho vakati kwavari, “Muri kuchisunungurirei?”
34
Ivo vakati, “Tenzi vari kuchida.”
35
Vakauya nacho kuna Jesu. Vakawaridza hanzu dzavo pachigondora chiya. Vakakwidza Jesu pachiri.
36
Paaifamba kudaro vakawaridza hanzu dzavo munzira.
37
Paakanga ava kuda kusvika kumateru eGomo reMiorivhi mhomho yose yavadzidzi vake yakatanga kupembera ichirumbidza Mwari ichidaidzira, ichirumbidza Mwari nokuda kwamabasa makuru avakanga vaona
38
vachiti, “Ngaarumbidzwe Mambo anouya muzita raTenzi. Rugare ngaruve kudenga nembiri ive kumusorosoro.”
39
Vamwe vaFarisei vaiva mumhomho iyoyo vakati kwaari, “Mudzidzisi tsiurai vadzidzi venyu.”
40
Iye akapindura achiti, “Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, matombo chaiwo achadanidzira.”
41
Paakanga ava kuda kusvika, akatarisa guta akarichema,
42
achiti, “Dai wanga uchiziva nhai zvinhu zvinounza rugare asi zvino zvakavanzwa kwauri.
43
Mazuva achakuvinga zvako, mhandu dzako padzichaita mazidhunduru muberere rako kukutenderedza vachikukomberedza kumativi ose.
44
Vachakupwatitsira pasi, iwe navana vako vari mauri. Havachazosiya rimwe dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”
45
Jesu akapinda muTemberi akatangisa kudzinga vaitengesa
46
achiti kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira asi imi makaiita bako ramakororo.’ ”
47
Aidzidzisa mazuva ose muTemberi. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vavanhu vaitsvaka zvokumuparadza
48
asi havana kuwana chavakagona kuita, nokuti vanhu vose vanga vangoti kwati kwati kumashoko ake.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24