bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 21
Luke 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Akasimudza musoro akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo munzvimbo yaichengeterwa upfumi.
2
Akaonawo chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twekopa.
3
Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yaisa zvinopfuura vose nokuti ivo vaisa zvabva mune zvakawanda zvavainazvo.
4
Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.”
5
Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati,
6
“Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.”
7
Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?”
8
Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere.
9
Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.”
10
Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo.
11
Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya — siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga.
12
Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu.
13
Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo.
14
Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei.
15
Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi.
16
Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu.
17
Muchavengwa navose pamusana pezita rangu.
18
Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika.
19
Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.
20
“Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo.
21
Vanenge vari kunze kumaruwa ngavarege kupinda mariri
22
nokuti iwaya anenge ari mazuva okutsividza kuzadzisa zvose zvakanyorwa.
23
Hameno zvavo vanenge vakazvitakura navavo vanenge vachiyamwisa pamazuva iwayo nokuti pachava nenhamo huru panyika nokurangwa kwavanhu ava.
24
Vachaparadzwa nehondo yebakatwa vachitapwa mukati memarudzi ose. Jerusaremu ichatsokodzerwa nevechirudzi; kusvikira nguva yevechirudzi yazadziswa.
25
“Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai.
26
Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa.
27
Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru.
28
Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.”
29
Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Tarisai muonde nemiti yose
30
kana yopfumvudza munobva mangozvionera uye munobva maziva kuti zhizha ravakusvika.
31
Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvavakuitika, munobva maziva kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
32
Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuura kusvika zvose izvi zvaitika.
33
Denga napasi zvichapera asi mashoko angu haaperi.
34
“Zvingwarirei kuti musaodzwe mwoyo noupenyu husina paho nokuraradza nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu huno, zuva iroro richizoyerekana rakusvikirai
35
seriva nokuti richasvikira munhu wose anogara pamusoro payo nyika yose.
36
Ngwarirai nguva dzose muchinamata kuti muwane simba rokupunyuka zvose izvi zvichaitika uye kuti mukwanise kuzomira pamberi peMwanakomana womunhu.”
37
Mazuva ose, Jesu aidzidzisa muTemberi asi usiku aienda wondorara kugomo rinonzi Orivheti.
38
Mangwanani vanhu vose vaizouya kwaari muTemberi kuti vamunzwe.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24