bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 11
Luke 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
1
Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.”
2
Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’
3
Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva.
4
Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.”
5
Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu
6
nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’
7
Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’
8
Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda.
9
Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa
10
nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’
11
“Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove.
12
Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize.
13
Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.”
14
Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa.
15
Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa.
16
Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
17
Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika.
18
Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru.
19
Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai.
20
Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri.
21
“Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka.
22
Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba.
23
“Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza.
24
“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva.
25
Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa.
26
Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.”
27
Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.”
28
Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.”
29
Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona.
30
Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi.
31
Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni.
32
Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona.
33
“Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza.
34
Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima.
35
Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima.
36
Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.”
37
Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya.
38
MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya.
39
Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi.
40
Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here?
41
Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri.
42
Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe.
43
Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika.
44
Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.”
45
Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.”
46
Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo.
47
Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu.
48
Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo.
49
Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza
50
kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino,
51
kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino.
52
Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.”
53
Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda,
54
vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24