bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 8
Luke 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Mushure maizvozvi Jesu akaenda nomumaguta nomumisha achiparidza nokushumaira Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari. Akanga aina vane gumi navaviri vaya
2
pamwechete namamwe madzimai akanga aponeswa kumweya yakaipa nokuzvirwere. Paiti Maria ainzi Magadharena akabviswa mweya yakaipa minomwe
3
naJoana mudzimai waKusa, mushandi waHerodhi naSuzana navamwe vazhinji vaivariritira nezvinhu zvavo pachavo.
4
Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti:
5
“Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga.
6
Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro.
7
Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga.
8
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ”
9
Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei,
10
iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.”
11
Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari.
12
Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa.
13
Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka.
14
Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki.
15
Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.
16
Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza.
17
Hapana chakavigwa chisingazoburitswa pachena kana chii zvacho chakavanzika chisingazozivikanwa chichiiswa pachena.
18
Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho.
19
Kwakazouya amai vake navakoma navanun'una vake asi havana kukwanisa kusvika paari pamusana pechita chavanhu.
20
Akataurirwa kuti amai venyu navakoma navanun'una naye vamire panze. Vanoda kukuonai.
21
Asi iye akati kwavari amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavavo vanonzwa shoko raMwari vachiita zvarinoreva.
22
Rimwe zuva Jesu akapinda mugwa navadzidzi vake. Akati kwavari ngatiyambukirei kumhiri kwegungwa. Nezvo vakatangisa kuenda.
23
Pavakanga vachienda kudaro Jesu akakotsira. Kwakauya dutu richivhuvhuta mugungwa. Igwa rakanga ravakuzara nemvura. Vakanga vava munjodzi.
24
Vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi tava kuparara.” Akamuka akatsiura mhepo namasaisai namafungu anotyisa. Zvakabva zvaganhuka kukabva kwati dzika — dzika.
25
Akavati, “Chitendero chenyu chiripi?” Vakabva vava kutya uye vakakatyamadzwa. Vakataurirana vachiti, “Ko uyu ndiani uyu anotoudza kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
26
Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea.
27
Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva.
28
Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.”
29
Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa.
30
Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo” nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari.
31
Yakamuteterera kuti asaiendese kugomba rakadzikisisa.
32
Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza.
33
Mweya yakaipa yakabuda mumunhu uya ikapinda munguruve dziya. Danga riya rakati ware roteremuka napamawere marefu ndiye rove rove mugungwa kunyura.
34
Vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, ndokuti warewo kutiza; vakandotaura muguta nomumaruwa zvakanga zvaitika.
35
Vanhu vakabuda kundoona zvakanga zvaitika. Vakauya kuna Jesu vakawana munhu uya makanga mabuda mweya yakaipa, akagara pasi patsoka dzaJesu akatopfekawo uye pfungwa dzake dzava pamwechete. Vakatya.
36
Avo vakanga vazviona vakavataurira kuti uya akanga akagarwa nemweya yakaipa akaporeswa sei.
37
Zvino vanhu vose vemunharaunda yenyika yeGerasini vakamukumbira kuti abve zvake kwavari nokuti vakabatwa nokutya kukuru. Nokudaro Jesu akapinda mugwa ndokubva adzokera.
38
Murume uya akabviswa mweya yakaipa akakumbira kuti arambe ainaye, asi Jesu akamuti aende zvake achiti,
39
“Dzokera kumusha kwako undorondedzera kuti Mwari akakuitira zvakadii.” Nokudaro akaenda achiparidza nomuguta rose kuti Jesu akanga amuitira zvakadii.
40
Jesu paakadzoka, chita chavanhu chakamugamuchira nokuti vose vakanga vakamumirira.
41
Hoyo mumwe murume anonzi Jairosi akanga ari mutongi wesinagogu akauya. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamukumbirisa kuti auye kumba kwake
42
nokuti aiva nomwanasikana mumwechete oga aiva namakore anenge gumi namaviri akanga avakuda kufa. Paakanga achiendako, vanhu vakanga vakamukomberedza vakanga vachidzvinyirirana naye.
43
Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa.
44
Akauya neshure kwake akabata mupendero wehanzu yake. Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda.
45
Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!”
46
Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.”
47
Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo.
48
Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.”
49
Paakanga achiri kutaura mumwe munhu akabva kumba kwomutungamiriri uya, akauya achiti, “Mwanasikana wenyu atofa chiregai kunge muchanetsa zvenyu mudzidzisi.”
50
Asi Jesu paakanzwa izvi akapindura achiti, “Usatye tenda chete achaponeswa.”
51
Pavakasvika pamba hapana waakabvumira kupinda naye kusiya Pita naJemusi naJohani naBaba naamai vomwana iyeyo.
52
Vose vakanga vachimuungudza vachimuchema asi iye akati, “Musachema nokuti haana kufa, akakotsira.”
53
Vakamuseka nokuti vaiziva kuti afa.
54
Akabata musikana uya ruoko akadaidzira achiti, “Musikana muka.”
55
Mweya wake wakadzoka akamuka pakarepo. Jesu akati ngaapiwe chimwe chinhu chokudya.
56
Vabereki vake vakashamiswa zvikuru asi akavakohomedza kuti vasawane wavanotaurira zvakanga zvaitika.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24