bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 13
Luke 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Panguva iyoyo pane vamwe vakanga varipo vakataurira Jesu nezvavaGarirea vane ropa rakasanganiswa nezvibayiro zvavo naPirato.
2
Akavapindura achiti, “Munofunga kuti vaGarirea ivavo vakanga vari vatadzi kupfuura vamwe vaGarirea vose here zvavakatambudzika kudaro?
3
Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo.
4
Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here?
5
Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.”
6
Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.”
7
Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.”
8
Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze.
9
Kana ukabereka muchero gore rinouya zvakanaka; kana usina moutema zvenyu.”
10
Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata.
11
Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza.
12
Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.”
13
Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari.
14
Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.”
15
Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura.
16
Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?”
17
Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita.
18
Jesu akazoti, “Umambo hwaMwari hungafananidzwe nei, ndingauenzanise neiko?
19
Hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akandoidyara mubindu rake. Yakakura ikava muti. Shiri dzedenga dzakaita matendere mumapazi awo.”
20
Akatizve umambo hwaMwari ndingahauenzanise nei?
21
Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma.
22
Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa ari parwendo rwake rwokuenda kuJerusaremu.
23
Pano mumwe akati kwaari, “Tenzi, vachaponeswa vashoma here?” Iye akati kwavari,
24
“Vavarirai kupinda napamusuo wakamanikana, nokuti ndinokutaurirai kuti, vazhinji vachaedza kupinda asi vachakundikana.
25
Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’
26
Ipapo muchatanga kuti, ‘Inga taidya nokunwa nemi uye maidzidzisa mumigwagwa yedu wani,’
27
asi iye achati ndinokuudzai kuti, ‘Handikuzivei kwamunobva. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.’
28
Ikoko vachachema vachirumanidza mazino kana moona Abhurahamu naIsaki naJakobho navaporofita vose vari muumambo hwaMwari asi imi madzingirwa kunze.
29
Vanhu vachauya vachibva kumabvazuva nokumadokero uye vachibva kuchamhembe nokumaodzanyemba vachizogara pakudya muumambo hwaMwari.
30
Chinzwai, kuno vamwe vari vokupedzisira vachava vokutanga. Vamwewo vokutanga vachazova vokupedzisira.”
31
Panguva iyoyo vamwe vaFarisei vakauya vakati kwaari, “Chibvai kuno nokuti Herodhi ari kuda kukuurayai.”
32
Iye akati kwavari, “Endai mundotaurira gava iroro kuti, ‘Ndiri kudzinga mweya yakaipa ndichaporesa nhasi namangwana, pazuva retatu ndobva ndapedza basa rangu.’
33
Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.”
34
“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba.
35
Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24