bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 23
Luke 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Chita chose chiya chavanhu chakasimuka chikaenda naye kuna Pirato.
2
Vakatanga kumupa mhosva vachiti, “Takawana munhu uyu achipandutsa rudzi rwedu achitirambidza kubvisa mutero kuna Siza achizviti iye pachake ndiKristu mambo.”
3
Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Iye akamupindura achiti, “Inga matozvireva kare wani.”
4
Pirato akati kuvapristi vakuru nemhomho yavanhu, “Handisi kuwana mhosva ine mhunhu uyu.”
5
Vakatobva vasimbisisa kuti, “Anomutsa nyonganyonga muvanhu, achidzidzisa muJudhea yose kubvira kuGarirea kusvikira kuno.”
6
Pirato paakanzwa izvi akabvunza kuti munhu uyu akanga ari wokuGarirea here.
7
Paakaziva kuti ndowekudunhu raHerodhi akamutumira kuna Herodhi akanga ari muJerusaremu panguva iyoyo.
8
Herodhi paakaona Jesu akafara kwazvo nokuti kwenguva ndefu aidisisa kumuona nokuti akanga anzwa nezvake uye akanga achitarisira kuona chimwe chiratidzo chaiitwa naye.
9
Saizvozvo akamubvunza kwenguva ndefu asi haana kupindura.
10
Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakamirawo vachimupa mhosva zvakaomarara.
11
Herodhi namasoja ake vakamudadira vachimuseka. Vakamupfekedza hanzu yakanakisisa akamudzorera kuna Pirato.
12
Herodhi naPirato vakava shamwari neshamwari pazuva iroro nokuti vaimbenge vachivengana.
13
Pirato akazodaidza vapristi vakuru navatongi navanhu,
14
akati kwavari, “Maunza munhu uyu kwandiri somunhu anga achipandutsa vanhu asi pandamuongorora pamberi penyu, handina kuwana munhu uyu aine mhosva dzamurikumupomera
15
kunyangewo Herodhi nokuti amudzorera kwatiri. Tarisai muone kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu.
16
Naizvozvo ndichamurova shure kwaizvozvo ndigomuregera achienda zvake.” [
17
Nokuti Pirato aifanira kuvasunungurira munhu mumwechete pamazuva makuru.]
18
Asi vose vakadaidzira pamwechete vachiti, “Ngaapfuudzwe munhu uyu mutisunungurire Bharabhasi”
19
Bharabhasi murume akanga aiswa mujeri pamusana penyonganyonga yakanga yamuka muguta uye nokuuraya munhu.
20
Pirato akashevedzerazve kwavari achida kusunungura Jesu.
21
Asi ivo vakadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa! Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
22
Rwechitatu akati kwavari, “Nemhaka yei? Atadzei? Handina kuwana maari mhosva inokodzera kufa. Naizvozvo ndichamurova chaizvo ndigomurega aende zvake.”
23
Asi vakangoramba vachivavarira vachidaidzira kwazvo vachiti, “Anofanira kurovererwa pamuchinjikwa.” Zvavaizhambira ndizvo zvakazoitwa.
24
Saizvozvo Pirato akatonga kuti zvavaida zviitwe.
25
Akasunungura murume uya wavakanga vakumbira akanga aiswa mujeri nokuda kwenyonganyonga nokuuraya munhu; asi akaisa Jesu mumaoko avo kuti vaite zvavanoda naye.
26
Zvavakanga vachimutungamidza, vakabata Simoni wekuKurini aibva kuruwa vakamutakudza muchinjikwa uya mumashure maJesu.
27
Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema.
28
Jesu akatendeukira kwavari akavati, “Vakunda veJerusaremu musandicheme ini; asi zvichemei imi navana venyu.
29
Tarirai mazuva ari kuuya pavachati vakakomborerwa zvavo vasina mbereko nemimba dzisina kumbobereka namazamu asina kumboyamwisa.
30
Ndipo pavachatangisa kuti kumakomo, ‘Tiwirei’ uye kuzvikomo, ‘Tifugidzei’
31
nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, ko kutozoti kuno muti wakaoma.”
32
Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye.
33
Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe.
34
Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake.
35
Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.”
36
Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti,
37
“Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.”
38
Nechapamusoro pake pakanga pane chikwangwani chakanyorwa kuti, “UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.”
39
Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.”
40
Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye.
41
Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.”
42
Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.”
43
Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.”
44
Ipapo yakanga yenge awa yegumi nechipiri uye nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati.
45
Chiedza chezuva chakadzima; jira rokudzikatirisa romuTemberi rikabvaruka napakati.
46
Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa.
47
Mutungamiriri wezana ramasoja paakaona zvakanga zvaitika akarumbidza Mwari akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga akarurama.”
48
Gurumwandira rose ravanhu vakanga vaungana kuzoona zvaiitika, pavakaona zvakanga zvaitika, vakadzokera vangogumbata maoko nazvo.
49
Vose vaizivana naye namadzimai ainge amutevera achibva kuGarirea vakamira vari chinhambwe vakaona zvinhu izvi.
50
Kwaiva nomumwe murume ainzi Josefi aibva kuguta ravaJudha reArimatia aiva nhengo yedare guru uye ari munhu akanaka akarurama.
51
Iye haana kunge awirirana navamwe pazvinangwa zvavo napane zvavakaita. Iye aitsvaga umambo hwaMwari.
52
Murume uyu akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu.
53
Akachidzikisa akachiputira mufuko rejira rerineni. Akamuradzika muguva rakanga raitwa zvokuchezerwa mudombo makanga musati mamboradzikwa munhu.
54
Zvaraiva zuva rokugadzirira Pasika uye Sabata rakanga ravakutanga
55
vakadzi vakanga vauya naye vachibva kuGarirea vakatevera vakaona guva racho uye kuti chitunha chakanga charadzikwa sei.
56
Vakadzokera vakandogadzirira tunonhuwirira namafuta. Pazuva reSabata vakazorora sezvaidiwa nomutemo.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24