bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 20
Luke 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Nerimwe zuva Jesu paaidzidzisa vanhu muTemberi achiparidza Shoko Rakanaka, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru, vakauya vakati kwaari,
2
“Tiudze kuti unoita zvinhu izvi nesimba raani kana kuti ndiani akakupa simba irori?”
3
Akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo.
4
Nditaurirei, ruombeko rwaJohani rwaibva kudenga here kana kuvanhu?”
5
Vakambokurukurirana pachavo vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga iye achati ko makaregererei kutenda kwaari.
6
Kana tikati runobva kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe nokuti vanobvuma kuti Johani aiva muporofita.”
7
Ipapo vakapindura vachiti, “Hatizivi kuti rwaibva kupi.”
8
Jesu akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.”
9
Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu.
10
Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho.
11
Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho.
12
Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze.
13
Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’
14
Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’
15
Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari?
16
Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.”
17
Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’
18
“Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.”
19
Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo.
20
Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna.
21
Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi.
22
Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?”
23
Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari,
24
“Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.”
25
Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.”
26
Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara.
27
Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti,
28
“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’
29
Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana.
30
Wechipiri newechitatu vakamutorawo,
31
ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana.
32
Mushure macho, mudzimai uya akazofawo.
33
Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?”
34
Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino vanoroora uye vanoroorwa.
35
Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa
36
nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi.
37
Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho.
38
Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.”
39
Dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakapindura dzichiti, “Mudzidzisi mataura zvakanaka.”
40
Havana kuzoita chivindi chokumubvunza mumwe mubvunzo.
41
Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’
42
Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, Gara kurudyi rwangu
43
kusvikira ndaita mhandu dzako chitambarariko chetsoka dzako.’ ”
44
Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?”
45
Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa.
46
Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko.
47
Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24