bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Luke 12
Luke 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi.
2
Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi.
3
Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba.
4
“Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’
5
Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei.
6
Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari?
7
Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji.
8
“Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’
9
Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
10
Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi.
11
“Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei;
12
nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.”
13
Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”
14
Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?”
15
Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.”
16
Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.”
17
Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.”
18
Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu.
19
Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.”
20
Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani.
21
Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.”
22
Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei
23
nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka.
24
Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri?
25
Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo.
26
Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi?
27
Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya.
28
Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki!
29
“Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo.
30
Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida.
31
Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu.
32
“Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo.
33
Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza,
34
nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo.
35
“Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu
36
makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza.
37
Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera;
38
pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo.
39
Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura haairega imba yake ichipazwa.
40
Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.”
41
Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?”
42
Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo?
43
Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo.
44
Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo.
45
Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza
46
tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki.
47
Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru.
48
Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa.
49
“Ndakauya kuzokanda moto panyika. Ndinodisisa seiko kuti dai wakatobatira.
50
Ndine ruombeko rwandinofanira kuombekwa narwo uye kuti ndinodisisa seiko kuti dai rwaitwa.
51
Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa.
52
Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu.
53
Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.”
54
Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya.
55
Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika.
56
Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino?
57
“Munoregerei kuzvifungirawo pachenyu zvakanaka.
58
Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri.
59
Ndinokuudza kuti haumbofa wakabuda kusvikira wabhadhara sendi rokupedzisira.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24