bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 1
Numbers 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
1
Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai mutendhe rokusanganira pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, pagore rechipiri rokubuda kwavo muIjipiti akati,
2
“Verengai vaIsiraeri vose imba nemba, dzinza nedzinza. Nyorai mazita avanhurume vose
3
vane makore makumi maviri nevane anopfuura iwayo vangakwanise kuenda kuhondo muIsiraeri yose. Iwe naAroni munofanira kuvaverenga muzvikwata nezvikwata.
4
Padzinza rimwe nerimwe torai murume mumwechete wokukubatsirai anenge ari mukuru weimba yamadzibaba ake.”
5
Mazita avarume vokukubatsirai ndiwo aya: mudzinza raRubheni, torai Erizuru mwanakomana waShedheuru;
6
mudzinza raSimeoni, torai Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
7
mudzinza raJudha, torai Nashoni mwanakomana waAminadhabhu;
8
mudzinza raIsakari, torai Netaneri mwanakomana waZuaru;
9
mudzinza raZebhuruni, torai Eriabhu mwanakomana waHeroni;
10
pavana vaJosefi mudzinza raEfuremu, torai Erishama mwanakomana waAmihudhi; mudzinza raManase, torai Gamarieri mwanakomana waPedhazuru;
11
mudzinza raBenjamini, torai Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
12
mudzinza raDhani, torai Ahiezeru mwanakomana waAmishadhai;
13
mudzinza raAsheri, torai Pagieri mwanakomana waOkirani;
14
mudzinza raGadhi, torai Eriasafu mwanakomana waDheueru;
15
mudzinza raNafutari, torai Ahira mwanakomana waEnani.
16
Ivava ndivo vakasarudzwa mugungano rose, vaiva vatungamiriri mumadzinza avo, variwo vakuru vakuru mudzimhuri dzavaIsiraeri.
17
Mosesi naAroni vakagamuchira varume ivavo vakadomwa namazita.
18
Vakandokokorodza vaIsiraeri vose pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, ndokunyora vanhu mumadzinza avo nomumhuri dzavo. Vakanyora mazita vachiverenga mumwe nomumwe varume vose vaiva namakore makumi maviri navaiva namakore anopfuura iwayo,
19
sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Saka akavaverenga vari kurenje reSinai.
20
Mudzinza rokwaRubheni dangwe raIsiraeri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
21
Vakaverengwa mudzinza raRubheni vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu namazana mashanu.
22
Mudzinza raSimeoni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
23
Vakaverengwa mudzinza raSimeoni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe namazana matatu.
24
Mudzinza raGadhi makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
25
Vakaverengwa mudzinza raGadhi vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu namazana matanhatu ana makumi mashanu.
26
Mudzinza raJudha makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
27
Vakaverengwa mudzinza raJudha vose vaisvika makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina namazana matanhatu.
28
Mudzinza raIsakari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
29
Vakaverengwa mudzinza raIsakari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana avanhu.
30
Mudzinza raZebhuruni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
31
Vakaverengwa mudzinza raZebhuruni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe namazana mana.
32
Mudzinza raJosefi, dzinza rokwaEfuremu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
33
Vakaverengwa mudzinza raEfuremu vose vaisvika makumi mana ezviuru ana mazana mashanu.
34
Mudzinza raManase makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
35
Vakaverengwa mudzinza raManase vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana maviri.
36
Mudzinza raBhenjamini makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
37
Vakaverengwa mudzinza raBhenjamini vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu namazana mana.
38
Mudzinza raDhani makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
39
Vakaverengwa mudzinza raDhani vose vaisvika makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana manomwe.
40
Mudzinza raAsheri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
41
Vakaverengwa mudzinza raAsheri vose vaisvika makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete namazana mashanu.
42
Mudzinza raNafutari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo.
43
Vakaverengwa mudzinza raNafutari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mana.
44
Ivava ndivo vanhu vakaverengwa naMosesi naAroni vachibatsirwa navatungamiriri vavaIsiraeri gumi navaviri, mumwe nomumwe achimiririra dzinza rake.
45
Saka vaIsiraeri vose vakaverengwa vaiva varume vane makumi maviri amakore navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo, muIsiraeri.
46
Vose pamwechete vaikwana mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ana makumi mashanu avanhu.
47
Asi vaRevhi havana kuverengwa pamwechete namamwe madzinza,
48
nokuti Tenzi akanga ataura naMosesi achiti,
49
“Asi vedzinza raRevhi usaverenge, usavaverengere mukati mavanhu veIsiraeri.
50
Asi vaRevhi ndivo vauchapa basa rapatendhe rechitenderano nazvose zvirimo. Ndivo vacharitakura pamwechete nazvose zvirimo. Ndivo vachashandamo. Vachadzika matendhe avo akaripoteredza.
51
Pamunenge motamisa tendhe rinoera, vaRevhi ngavaripete vachindoridzikazve kwamuchazombogara. Mumwe munhuwo zvake asiri muRevhi anenge asvika padyo naro ngaaurayiwe.
52
Vamwe vaIsiraeri vose ngavadzike matendhe avo vagare vari mumapoka avo, mumwe nomumwe ari muchikwata chake nomureza wacho.
53
Asi vaRevhi ngavadzike matendhe avo vakapoteredza tendhe rechitenderano kuti ndirege kuitira hasha gungano ravanhu veIsiraeri. VaRevhi vanofanira kuchengeta tendhe rechitenderano.”
54
Saizvozvo vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvatemerwa Mosesi naTenzi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36