bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 12
Numbers 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
1
Miriamu naAroni vakatsoropodza Mosesi pamusana pomukadzi waakanga aroora, nokuti akanga aroora mukadzi wechiKushi.
2
Vakati, “Ko Mosesi ndiye oga akangotaurirwa zvinhu naTenzi here? Ko isu hatina kutaurirwawo zvinhu naTenzi here?” Tenzi akanzwa zvavaitaura.
3
Mosesi akanga ari munhu akazvirereka kupfuura vanhu vose vapanyika.
4
Pakarepo Tenzi akataurira Mosesi naAroni naMiriamu achiti, “Uyai mose muri vatatu kutendhe rangu rokusanganira.” Vakabuda vari vatatu.
5
Ipapo Tenzi akauya ari mugore rakasvikomira kumusuo wetendhe iroro. Mwari akadaidza achiti, “Aroni! Miriamu!” Vakaenda mberi vose vari vaviri.
6
Iye ndokuti, “Chinzwai zvandinoreva! Kana mumwe wenyu ari muporofita ini Tenzi pachangu ndinozviratidza kwaari, kana kutaura naye muchiroto.
7
Asi handidaro nomuranda wangu Mosesi nokuti zvinhu zvangu zvose ndakazviisa mumaoko ake.
8
Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?”
9
Tenzi akavashatirirwa ndokubva aenda.
10
Gore rakanga rakafukidza tendhe iroro rakasimuka. Miriamu akava nechirwere chamapere akachena samazaya echando. Aroni akatarisa Miriamu wanei ava nechirwere chamapere.
11
Aroni ndokutaura naMosesi achiti, “Changamire ndapota! Regai kutirwadzisa muchitirangira kutadza kwatakaitira muupenzi hwedu.
12
Musarege Miriamu achiita sowakafa, somwana anoberekwa ane muviri wakadyiwadyiwa.”
13
Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Mwari! Ndapota! Muporesei zvenyu!”
14
Asi Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Dai vanga vari baba vake vamusvipira pauso angadai asina kunyara here kwamazuva manomwe achindogariswa kunze kwamatendhe ari oga here? Saka ngaandogara ari oga kunze kwamatendhe kwamazuva manomwe agozodzoserwa mumatendhe.”
15
Naizvozvo Miriamu akanzi agare kunze kwamatendhe kwemazuva manomwe. VaIsiraeri havana kutama ipapo kusvikira Miriamu adzokera mumatendhe.
16
Vakazobva paHezoroti vakandodzika matendhe avo murenje reParani.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→