bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 2
Numbers 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
1
Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti,
2
vaIsiraeri pavanodzika matendhe avo mumwe nomumwe ngaagare pane mureza wake ari mudzinza rake, rine mureza warowo. Matendhe ngaadzikwe akapoteredza tendhe rinoera.
3
Vachadzika matendhe avo nechokumabvazuva ndovomureza wamatendhe edzinza rokwaJudha, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza rokwaJudha iri anenge ari Nahishoni mwanakomana waAminadhabhu,
4
chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu mazana makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina, zvina mazana matanhatu.
5
Vachadzika matendhe avo padyo nevokwaJudha ndevedzinza raIsakari. Mutungamiriri wedzinza raIsakari anenge ari Netaneri mwanakomana waZuaru,
6
chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana.
7
Kouyawo vedzinza raZebhuruni, mutungamiriri wedzinza raZebhuruni anenge ari Eriabhu mwanakomana waHeroni,
8
chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvina mazana mana.
9
Vomumatendhe edzinza rokwaJudha, chikwata nechikwata, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi masere ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mana avanhu. Ivava ndivo dzinza rokutanga kusumuka kana moita rwendo.
10
Vachadzika matendhe avo nechokumaodzanyemba ndowomureza wamatendhe edzinza raRubheni, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raRubheni iri anenge ari Erizuru mwanakomana waShedheuru.
11
Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mashanu.
12
Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raSimeoni. Mutungamiriri wedzinza raSimeoni anenge ari Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
13
Hondo yake sokuverengwa kwayakaitwa inenge iri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe zvina mazana matatu.
14
Kouyawo vedzinza raGadhi, mutungamiriri wedzinza raGadhi iri, anenge ari Eriasafu mwanakomana waReueri.
15
Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana matanhatu ana makumi mashanu.
16
Vomumatendhe edzinza raRubheni vachange vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi mashanu ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mana ana makumi mashanu avanhu. Ivava ndivo dzinza rechipiri kusumuka kana moita rwendo.
17
Tendhe rokusanganira rinobva ratevera rakatakurwa nevematendhe edzinza rokwaRevhi richange riri nechapakati pamatendhe amadzinza ose, sokudzika kwavanenge vakaita matendhe avo, ndokusumuka kwavanoitawo kana voita rwendo, vanenge vakati iri dzinza paro, iri dzinza paro, rimwe nerimwe riine mureza warowo.
18
Vachadzika matendhe avo nechokumadokero, ndovomureza wedzinza raEfuremu, vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raEfuremu anenge ari Erishama, mwanakomana waAmihudhi.
19
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ana mazana mashanu.
20
Vachadzika matendhe avo pedyo navo ndevedzinza raManase. Mutungamiriri wedzinza raManase iri anenge ari Gamarieri, mwanakomana waPedhazuru.
21
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana maviri.
22
Kouyawo vedzinza raBhenjamini, mutungamiriri wedzinza raBhenjamini iri, anenge ari Abhidhani mwanakomana waGidheoni.
23
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana mana.
24
Vomumatendhe edzinza raEfuremu, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete izana rezviuru nezviuru zvisere zvina zana rimwechete ravanhu. Ivava ndivo dzinza rechitatu kusumuka kana moita rwendo.
25
Vachadzika matendhe avo nechokuchambembe ndowomureza wedzinza raDhani vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raDhani iri, anenge ari Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai.
26
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana manomwe.
27
Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raAsheri. Mutungamiriri wedzinza raAsheri iri anenge ari Pagieri mwanakomana waOkirani.
28
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mashanu.
29
Kouyawo vedzinza raNafutari. Mutungamiriri wedzinza raNafutari iri, anenge ari Ahira mwanakomana waEnani.
30
Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mana.
31
Vomumatendhe okwaDhani, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rina makumi mashanu ezviuru nezviuru zvinomwe zvina mazana matanhatu avanhu. Ivava ndivo dzinza richasumuka kokupedzisera vari mureza nomureza.
32
Ivava ndivo vaIsiraeri vose vakaverengwa nedzimba dzamadzibaba avo, mumatendhe avo. Vakaverengwa muzvikwata nezvikwata zvavo vaisvika mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mashanu ana makumi mashanu avanhu.
33
Asi vaRevhi havana kuverengerwa mumadzinza mamwe ose avaIsiraeri sokurayirwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
34
VaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naTenzi. Vaidzika matendhe pane mireza yavo saizvozvo vaisimudzira rwendo munhu wose ari mumhuri yokwake nemba yokwababa vake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36