bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 26
Numbers 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
1
Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti,
2
“Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.”
3
Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti,
4
vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti:
5
mudzinza raRubheni, dangwe raJakobho maiva nemhuri dzavanakomana vake vaiti: mhuri yokwaHanoki tateguru wayo ari Hanoki, mhuri yokwaParu, tateguru wayo ari Paru,
6
mhuri yokwaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaKarumi tateguru wayo ari Karumi.
7
Vose vakaverengwa mudzinza raRubheni, vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvitatu namazana manomwe ana makumi matatu avanhu.
8
Mwanakomana waParu aiva Eriabhu.
9
Vanakomana vaEriabhu vaiva Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vatungamiriri vaya vakanga vasarudzwa mugungano ravaIsiraeri. Asi vakazopikisana naMosesi naAroni, vakaita rimwe naKora paya pavakapikisa Tenzi.
10
Ndipo pakashama nyika muromo wayo ikavamedza pamwechete naKora neboka rake, pakaparadzwa varume mazana maviri anamakumi mashanu, chikava chiratidzo chokuyambira vanhu.
11
Asi vana vaKora havana kuurayiwa.
12
Mudzinza rokwaSimeoni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaNemueri tateguru wayo ari Nemueri, mhuri yokwaJamini tateguru wayo vari Jamini, mhuri yokwaJakini tateguru wayo ari Jakini,
13
mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera, mhuri yaShauri tateguru wayo ari Shauri.
14
Vose vakaverengwa mudzinza rokwaSimeoni, vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri namazana maviri.
15
Mudzinza rokwaGadhi makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaZefoni tateguru wayo ari Zefoni, mhuri yaHagi tateguru wayo ari Hagi, mhuri yaShuni tateguru wayo ari Shuni,
16
mhuri yaOzini tateguru wayo ari Ozini, mhuri yaEri tateguru wayo ari Eri,
17
mhuri yaArodhi tateguru wayo ari Arodhi, mhuri yaAreri tateguru vayo vari Areri.
18
Vose vakaverengwa mudzinza rokwaGadhi, vaikwana makumi mana ezviuru namazana mashanu avanhu.
19
Judha aivawo navanakomana vainzi Eri naOnani, asi vakanga vatofa kare munyika yeKanani.
20
Saka vakaverengwa mudzinza rokwaJudha mhuri nemhuri, ndevemhuri yaShera tateguru wayo ari Shera, mhuri yaPerezi tateguru wayo ari Perezi, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera.
21
Vanakomana vaPerezi nemhuri dzavo ndivo ava vanoti; mhuri yaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaHamuri tateguru wayo ari Hamuri.
22
Vose vakaverengwa mudzinza rokwaJudha vaikwana makumi manomwe ezviuru nezviuru zvitanhatu namazana mashanu avanhu.
23
Mudzinza rokwaIsakari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaTora tateguru wayo ari Tora, mhuri yokwaPuni tateguru wayo ari Puvha,
24
mhuri yokwaJashubhi tateguru wayo ari Jashubhi, mhuri yokwaShimuroni tateguru wayo ari Shimuroni.
25
Vose vakaverengwa mudzinza rokwaIsakari vaikwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana matatu avanhu.
26
Mudzinza rokwaZebhuroni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaSeredhi tateguru wayo ari Seredhi, mhuri yokwaEroni tateguru wayo ari Eroni, mhuri yokwaJareeri tateguru wayo ari Jareeeri.
27
Vose vakaverengwa mudzinza rokwaZebhuroni vaikwana makumi matanhatu ezviuru, namazana mashanu avanhu.
28
Mudzinza rokwaJosefi makaverengwa mhuri nemhuri, dzaManase nedzaEfuremu.
29
Mumhuri dzokwaManase kwaiti mhuri yokwaMakiri tateguru wayo ari Makiri. Makiri ndiye baba vaGiriadhi. Mhuri yokwaGiriadhi tateguru vayo ndiGiriadhi.
30
Giriadhi akavawo navanakomana vake nemhuri dzavo dzinoti mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaHereki tateguru wayo ari Hereki,
31
mhuri yokwaAsirieri tateguru wayo ari Asirieri, mhuri yokwaShikemu tateguru wayo ari Shekemu,
32
mhuri yokwaShemidha tateguru wayo ari Shemidha, mhuri yokwaHeferi tateguru wayo ari Heferi.
33
Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza.
34
Vose vakaverengwa mudzinza raManase vaikwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zviviri, namazana manomwe avanhu.
35
Mudzinza rokwaEfuremu makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShutera tateguru wayo ari Shutera, mhuri yokwaBhekeri tateguru wayo ari Bhekeri, mhuri yokwaTahani tateguru wayo ari Tahani.
36
Shutera ndiye baba waErani tateguru wemhuri yavaErani.
37
Vose vakaverengwa mumhuri yaEfuremu vaikwana makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, namazana mashanu. Ivava ndivo vomudzinza rokwaJosefi vakaverengwa mhuri nemhuri.
38
Mudzinza rokwaBhenjamini makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaBhera tateguru wayo ari Bhera, mhuri yokwaAshibheri tateguru wayo ari Ashibheri, mhuri yokwaAhiramu tateguru wayo ari Ahiramu,
39
mhuri yokwaShefufamu tateguru wayo ari Shefufamu, mhuri yokwaHufamu tateguru wayo ari Hufamu.
40
Vanakomana vaBhera ndiAridhi naNaamani. Mhuri yakwaAridhi tateguru wayo ndiAridhi, mhuri yokwaNaamani tateguru wayo ndiNaamani.
41
Vose vakaverengwa mhuri nemhuri mudzinza rokwaBhenjamini vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana matanhatu.
42
Mudzinza raDhani makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShuhamu tateguru wayo ari Shuhamu. Ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaDhani dzakaverengwa mhuri nemhuri.
43
Vanhu vakaverengwa vose mhuri nemhuri dzokwaShuhamu vakakwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana mana.
44
Mudzinza raAsheri makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaImuna tateguru wayo ari Imuna, mhuri yokwaIshivhi tateguru wayo ari Ishivhi, mhuri yaBheria tateguru wayo ari Bheria.
45
Bheria ndiye tateguru waHebheri naMarikieri, mhuri yokwaHebheri tateguru wayo ari Hebheri, mhuri yaMarikieri tateguru wayo ari Marikieri.
46
Zita romwanasikana waAsheri rainzi Sera.
47
Ndidzo mhuri dzomudzinza raAsheri, vose vakaverengwa vakakwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zvitatu, namazana mana avanhu.
48
Mudzinza rokwaNafutari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaJahizeeri tateguru wayo ari Jahizeeri, mhuri yaGuni tateguru wayo ari Guni,
49
mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaShiremu tateguru wayo ari Shiremu.
50
Idzodzi ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaNafutari, vose vakaverengwa vakakwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana mana avanhu.
51
Uhu ndiwo uwandi hwavaIsiraeri vakaverengwa. Vakakwana mazana matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete, chine mazana manomwe namakumi matatu avanhu.
52
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
53
“Vanhu ivavo ngavagoverwe nyika kuti ive nhaka yavo maererano nouwandi hwavo.
54
Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo.
55
Nyika ngaigoviwe nechin'ange, vagogaramo mhuri nemhuri, dzinza nedzinza.
56
Nhaka iyoyi inofanira kugoverwa nechin'ange maererano nouwandi kana ushoma hwavanhu vari mudzinza iroro.”
57
Mudzinza rokwaRevhi ava ndivo vakaverengwa mhuri nemhuri; makaverengwa mhuri yokwaGerishoni tateguru wayo ari Gerishoni, nemhuri yokwaKohati tateguru wayo ari Kohati, nemhuri yokwaMerari tateguru wayo ari Merari.
58
Mhuri dzomudzinza rokwaRevhi dzaiva mhuri yokwaRibhini, nemhuri yokwaHebhuroni, nemhuri yokwaMaari nemhuri yokwaMushi nemhuri yaKora. Kohati aiva baba vaAmuramu.
59
Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu.
60
Aroni ndibaba vaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru.
61
Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa paya pavakapira Tenzi moto usingabvumirwi.
62
Vose vakaverengwa vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvitatu. Vaiva vanhurume vose, kubvira pavacheche vane mwedzi mumwechete, wokuberekwa zvichikwira, vakanga vasina kuverengwa pamwechete navaIsiraeri nokuti vakanga vasingagoverwi nhaka pakati pavo.
63
Ivava ndivo vakaverengwa naMosesi nomupristi Ereazari. Vakaverenga gungano ravaIsiraeri vari mumapani eMoabhu pedyo naJorodhani kuJeriko.
64
Asi pane vakaverengwa ipapo pakanga pasisina kunyange murume mumwechete zvake wavaya vakamboverengwa naMosesi nomupristi Aroni, pavakamboverenga gungano ravaIsiraeri kurenje reSinai,
65
nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36