bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 36
Numbers 36
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
1
Vakuru vakuru vomumhuri dzaGireadhi mwanakomana waMakiri, wedzinza rokwaManase, wemhuri dzokwaJosefi vakataura pana Mosesi navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri
2
vachiti, “Changamire, Tenzi akuudzai kuti mugovere vaIsiraeri nyika dzenhaka yavo nechin'ange. Makaudzwawo naTenzi kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake.
3
Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa.
4
Naizvozvo panozosvika gore ravaIsiraeri reHwamanda nhaka yavanenge vapiwa ichawedzerwa kunhaka yedzinza kwavanezenge varoorwa. Saka nhaka yavo ichabviswa munhaka yedzinza ramadzibaba edu.”
5
Mosesi akapa vaIsiraeri murao waTenzi achiti, “Zviri kutaurwa nevedzinza revana vaJosefi ndizvo chaizvo.
6
Zvataurwa naTenzi panyaya yavanasikana vaZerofehadhi ndezvizvi: zvokuti ngavaroorwe zvavo navarume vavanoda, asi vanovaroora ngavave vomudzinza rababa vavo.
7
Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake.
8
Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake.
9
Saka hakuna nhaka inozobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nokuti dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri richaramba rakati kwati nenhaka yaro pacharo.”
10
Vanasikana vaZerofehadhi vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi.
11
Vanasikana vaZerofehadhi ava vaiti Mahara naTiriza naHogira naMirika naNowa vakaroorwa nehanzvadzi dzavo dzokumadzibabamukuru namadzibabamudiki avo.
12
Vakaroorwa kumhuri dzedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nhaka yavo ikaramba ichingova mudzinza remhuri yababa wavo.
13
Iyi ndiyo mitemo nemirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi ichipiwa nokuna Mosesi vari mumapani eMoabhu pana Jorodhani pakatarisana neJeriko.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36